bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 3
Revelation 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 4 →
1
Nyorera mutumŋa wekereke iri paSardisi, uti: Ɀanzi naiye unemŋeya minomŋe yaMŋari, nenyeredzi nomŋe: Ndinoziʋa maɓasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.
2
Pepuka, usimbise iɀo ɀakasara, ɀakaŋga ɀoɗo‐kufa; nokuti handina‐kuwana maɓasa ako kuti akakwana pamberi paMŋari waŋgu.
3
Naiɀoɀo raŋgarira kuti wakagamucira nokunzwa sei; uɀiceŋgete, utendeʋuke. Naiɀoɀo kana usiŋgapepuki, ndicaʋuya sembava, hauŋgaziʋi nguʋa yandicakuwira nayo.
4
Asi unamazita mashoma paSardisi aʋanhu ʋasina‐kuȿiɓisa ŋguʋo dzaʋo; ʋacafamba neni ʋaneŋguʋo cena, nokuti ʋakafanirwa naɀo.
5
Unokunda, ucapfekedzwa saiɀoɀo ŋguʋo cena; handiŋgatoŋgodzimi zita rake pabuku yoʋupenyu, ndicapupura zita rake pamberi paƂaɓa ʋaŋgu, napamberi paʋatumŋa ʋake.
6
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
7
Nyorera mutumŋa wekereke iri paFiraderfia, uti: Ɀanzi naiye mutȿene, iye waɀokwaɗi, iye unekiyi yaDavidi, iye unoti kana acizarura, hakuna‐unopfiga, kana acipfiga, hakuna‐unozarura:
8
Ndinoziʋa maɓasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukoʋa wakazaruka, hakuna‐uŋgagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakaceŋgeta shoko raŋgu, ukasaramba zita raŋgu.
9
Tarira ndinokupa ʋamŋe ʋari ʋesinagoge raSatani, ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi ʋanoreʋa nhema; tarira, ndicaʋaʋuyisa kuti ʋanamate pamberi petsoka dzako, ʋuye ʋaziʋe kuti ndakakuɗa.
10
Ɀawakaceŋgeta shoko rokutsuŋgirira kwaŋgu, ndicakuceŋgeta ʋo paŋguʋa yokuidzwa yoɗo‐kuʋuya panyika yose, kuidza ʋanogara panyika.
11
Ndinokurumidza kuʋuya; ɓatisisa ico caunaco, kuti urege kutorerwa korona yako.
12
Unokunda ndicamuita mbiru mutembere yaMŋari waŋgu, haaŋgazoɓuɗi’mo ɀe; ndicanyora pamsoro pake zita raMŋari waŋgu, nezita reguta raMŋari waŋgu, Jerusarema idɀa rinoɓuruka kuɗeŋga kunaMŋari waŋgu, nezita raŋgu idɀa.
13
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
14
Nyorera mutumŋa wekereke iri paRaodikia, uti: Ɀanzi naAmeni, capupu cakatendeka, caɀokwaɗi, kutaŋga kweɀisikwa ɀaMŋari:
15
Ndinoziʋa maɓasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ƌai ucitonhora kana kupisa.
16
Ɀino ɀaunodziya, usiŋgatonhori kana kupisa, ndicakuȿiȿina mumuromo maŋgu.
17
Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi cinhu; usiŋgaziʋi, kuti ndiwe unoʋurombo nenhamo, uri murombo neɓofu usine‐cokufuka.
18
Ndinokupa zano kuti uteŋge kwandiri ndarama yakaidzwa mumŋoto, kuti uʋe nefuma, neŋguʋo cena, kuti uɀifukidze, nyadzi dzokusafuka kwako dzirege kuʋonekwa; necizoro cameso, kuti uzore meso ako, uʋone.
19
Ʋose ʋandinoɗa ndinoʋaraŋga nokuʋaroʋa; naiɀoɀo shiŋgaira utendeʋuke.
20
Tarira, ndimire pamukoʋa, ndicigogodza; kana munhu akanzwa inzwi raŋgu, akazarura mukoʋa, ndicapinda kwaari, ndicarayira naye, naiye neni.
21
Unokunda ndicamupa cinhu ici, kuti agare neni pacigaro caŋgu coʋushe, seni ʋo ndakakunda, ndikagara pamŋe cete naƂaɓa ʋaŋgu pacigaro caʋo coʋushe.
22
Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22