bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 14
Revelation 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
1
Ɀino ndakatarira, ndikaʋona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rina ʋamŋe ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋanezita raro, nezita raƂaɓa ʋaro, rakanyorwa pahuma dzaʋo.
2
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, senzwi remvura zhinji, ʋuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa rakaŋga rakaita seraʋaridzi ʋoruɗimbga ʋaciridza ʋuɗimbga bgaʋo.
3
Ʋakaimba rwiyo rutȿa pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, naƲakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi ʋaya ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋakadzikinurwa ʋacibva panyika.
4
Ndiʋo ʋasina‐kuȿiɓiswa naʋakadzi; nokuti ʋakanaka se mhandara. Ndiʋo ʋanoteʋera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndiʋo ʋakadzikinurwa pakati paʋanhu, kuti ʋaʋe ɀiɓereko ɀokutaŋga kunaMŋari nokuGwaiana.
5
Mumuromo maʋo hamuna‐kuʋonekwa nhema, haʋana‐caʋaŋgapomerwa.
6
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose.
7
Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura.
8
Ipapo mumŋe mutumŋa wakateʋera, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro.
9
Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake,
10
naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana.
11
Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco.
12
Ndipo panokutsuŋgirira kwaʋatȿene, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari nokutenda kwaJesu.
13
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.
14
Ipapo ndakatarira, ndikaʋona gore jena, nomumŋe wakaita soMŋanakomana womunhu agere pamsoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake, naparuʋoko rwake anejeko rinopinza.
15
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaɓuɗa mutembere, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga agere pamsoro pegore, aciti: Tumai jeko renyu muceke; nokuti ŋguʋa yokuceka yaȿika, nokuti kuceka kwenyika kwaibva.
16
Ipapo wakaŋga agere pamsoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikacekwa.
17
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaɓuɗa mutembere iri kuɗeŋga, naiye ʋo anejeko rinopinza.
18
Nomumŋe mutumŋa wakaŋga anesimba pamsoro pomŋoto, akaɓuɗa paartari, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga anejeko rinopinza, aciti: Tumai jeko renyu rinopinza, muceke masumbu omuzambiriŋga wenyika, nokuti mazambiriŋga ayo aibva.
19
Ipapo mutumŋa wakakandira jeko rake panyika, akaceka muzambiriŋga wenyika, akaɀikandira muciȿiniro cikuru cokutsamŋa kwaMŋari.
20
Ciȿiniro cikatsikwa kunze kweguta, ropa rikaɓuɗa muciȿiniro rikaȿika pamatomo amabiza, rikaenda mastadia anecuru cinamazana matanhatu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22