bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 6
Revelation 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
1
Ɀino ndakaʋona Gwaiana ricizarura cimŋe ceɀisimbiso ɀinomŋe, ndikanzwa cimŋe ceɀisikwa ɀipenyu ɀinna ciciti nenzwi romutinhiro: Ʋuya!
2
Ndikatarira, ndikaʋona biza jena, naiye wakaŋga akaritaȿa, wakaŋga anoʋuta; akapiwa korona, akaɓuɗa acikunda, ʋuye kuti akunde.
3
Wakati azarura cisimbiso cecipiri, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecipiri ciciti: Ʋuya!
4
Ipapo rimŋe biza rakaɓuɗa riri dɀuku; wakaŋga akaritaȿa akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti ʋaʋurayane; akapiwa munondo mukuru.
5
Wakati azarura cisimbiso cecitatu, ndikanzwa cisikwa cipenyu cecitatu ciciti: Ʋuya! Ndikatarira, ndikaʋona biza ɗema; wakaŋga akaritaȿa wakaŋga aneciyereso muruʋoko rwake.
6
Ndikanzwa inzwi pakati peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, riciti: Ciyero ceɀiyo cicateŋgwa nedenari, neɀiyero ɀitatu ɀebari nedenari; usatadzira mafuta newaini.
7
Wakati azarura cisimbiso cecinna, ndikanzwa inzwi recisikwa cipenyu cecinna riciti: Ʋuya!
8
Ndikatarira, ndikaʋona biza rakacenuruka; wakaŋga akaritaȿa, zita rake Rufu; ʋuye Hadesi rakamuteʋera. Iʋo ʋakapiwa simba pamsoro pececinna cenyika, kuti ʋaʋuraye nomunondo, nenzara, norufu, neɀikara ɀenyika.
9
Wakati azarura cisimbiso cecishanu, ndikaʋona panyasi peartari mŋeya yaʋanhu ʋakaŋga ʋaʋurawa nokuɗa kweshoko raMŋari, nokupupura kwaʋo kwaʋakapupura;
10
ʋakaɗana nenzwi guru ʋaciti: Tenzi mutȿene waɀokwaɗi, mucarega kutoŋga ʋanogara panyika nokuʋatsiʋa ropa reɗu kuȿikira riniko?
11
Ipapo mumŋe nomumŋe waʋo wakapiwa ŋguʋo cena; ʋakaʋudzwa kuti ʋambozorora ciŋguʋa ciɗuku, kuȿikira ʋamŋe ʋaranda pamŋe cete naʋo nehama dzaʋo, dzaifanira kuʋurawa saiʋo, ʋariŋganiswa ʋose.
12
Ɀino ndakaʋona pakuzarura kwake cisimbiso cecitanhatu, kwakaŋga kunokuɗeŋgenyika kwenyika kukuru, zuʋa rikaȿiɓa segudza remvere, mŋedzi wose ukaita seropa;
13
nenyeredzi dzeɗeŋga dzikawira pasi, somuʋonde unozuza magaŋga awo, kana ucizunuŋguswa nomututu mukuru.
14
Ƌeŋga rikabva sebuku, kana icipetwa; namakomo ose neɀiwi ɀose ɀakabviswa panɀimbo dzaɀo.
15
Namadzimambo enyika, naʋakuru, naʋatuŋgamiriri ʋehondo, naʋafumi, naʋanesimba, naʋaranda ʋose, naʋakasunuŋguka ʋose, ʋakandoʋanda mumapako nomumabge amakomo;
16
ʋakati kumakomo nokumabge: Tiwirei, mutiʋige pameso aiye unogara pacigaro coʋushe, napakutsamŋa kweGwaiana;
17
nokuti zuʋa guru rokutsamŋa kwaʋo raȿika; ndianiko unogona kumira?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22