bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 12
Revelation 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
1
Ɀino kuɗeŋga kwakaʋonekwa ciratidzo cikuru ici: Mukadzi, wakaŋga akapfeka zuʋa, mŋedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
2
iye wakaŋga anemimba, akaɗanidzira pakupona kwake, acitambudzika pakuɀara.
3
Ipapo kuɗeŋga kwakaʋonekwa cimŋe ciratidzo ici: Tarira, shato huru tȿuku, inemisoro minomŋe, nenyaŋga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomŋe.
4
Rumhinda rwayo rukakweʋa cetatu cenyeredzi dzokuɗeŋga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakaŋga oɀara, kuti iparadze mŋana wake kana aɀara.
5
Akaɀara mŋana womukomana, unozofudza marudzi ose netȿimbo yeɗare; mŋana wake ndokutorwa kunaMŋari, nokucigaro cake coʋushe.
6
Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nɀimbo naMŋari, kuti ʋamuceŋgete’po mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu.
7
Ɀino kurwa kwakaʋa’po kuɗeŋga; Mikaeri naʋatumŋa ʋake ʋakarwa neshato, shato ikarwa inaʋatumŋa ʋayo;
8
ʋakasakunda, nenɀimbo yaʋo hainakuzowanikwa kuɗeŋga.
9
Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo.
10
Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku.
11
Iʋo ʋakamukunda neropa reGwaiana, ʋuye neshoko rokupupura kwaʋo; haʋana‐kuɗa ʋupenyu bgaʋo kuȿikira parufu.
12
Saka farai kuɗeŋga nemi munogara’ko. Munenhamo imi nyika neguŋgwa, nokuti mŋeya wakaipa wakaɓurukira kwamuri, akatsamŋa kwaɀo, nokuti unoziʋa kuti ucineŋguʋa ɗuku.
13
Shato yakati yaʋona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakaɀara mŋana womukomana.
14
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka.
15
Ipapo nyoka yakaɓuɗisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi.
16
Ipapo nyika yakaɓatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakaɓuɗiswa neshato mumuromo mayo.
17
Ɀino shato yakatsamŋira mukadzi, ikaenda kundorwa naʋamŋe ʋana ʋake, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari, naʋanoɓata kupupura kwaJesu.
18
Ikamira pajeca reguŋgwa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22