bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 19
Revelation 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
1
Shure kwaiɀoɀo ndakanzwa inzwi guru seraʋazhinji‐zhinji kuɗeŋga, riciti: Hareruya! Ruponeso, nokubginya, nesimba ndeɀaMŋari weɗu;
2
nokuti kutoŋga kwake ndokwaɀokwaɗi kwakarurama; nokuti wakatoŋga mhombge huru yakaʋodza nyika noʋupombge bgayo, akatsiʋa ropa raʋaranda ʋake paruʋoko rwayo.
3
Ipapo ʋakapamhidza, ʋaciti: Hareruya! Ʋutsi bgayo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri.
4
Ɀino Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna neɀisikwa ɀipenyu ɀinna ʋakawira pasi ʋakanamata Mŋari wakaŋga agere pacigaro coʋushe, ʋakati: Ameni, Hareruya!
5
Inzwi rikabva pacigaro coʋushe, riciti: Rumbidzai Mŋari, imi mose ʋaranda ʋake, imi munomutya, ʋaɗuku naʋakuru.
6
Ipapo ndakanzwa senzwi raʋazhinji‐zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru, riciti: Hareruya! Nokuti Ishe Mŋari weɗu wamasimba ose woɓata ʋushe.
7
Ŋgatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana waȿika, mukadzi waro waɀigadzira.
8
Wakapiwa simba kuti apfeke muceka wakanaka, unopenya, usinetȿina; nokuti muceka wakanaka ndiɀo ɀakarurama ɀaʋatȿene.
9
Ɀino akati kwandiri: Nyora, uti: Ʋakaropafadzwa ʋakakokerwa kucirayiro cokuwana ceGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaaɀokwaɗi aMŋari.
10
Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kuɗaro, nokuti ndiri muranda pamŋe cete newe nehama dzako dzinoɓata kupupura kwaJesu; namata Mŋari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mŋeya wokuprofita.
11
Ipapo ndakaʋona kuɗeŋga kwakazarurwa, ndikaʋona biza jena; naiye wakaŋga agere pamsoro paro wakanzi: Wakatendeka noWaɀokwaɗi; unotoŋga nokurwa ɀakarurama.
12
Meso ake akaŋga akaita somuraɀo womŋoto; pamusoro wake pakaŋga panekorona zhinji; wakaŋga anezita rakanyorwa, risina‐kuzikanwa nomunhu, asi naiye ɓedzi.
13
Wakaŋga akapfeka ŋguʋo yakanyikwa muropa; zita rake rinonzi Shoko raMŋari.
14
Hondo dzokuɗeŋga dzakamuteʋera, dzakataȿa mabiza macena, dzakafuka muceka wakanaka mucena, usinetȿina.
15
Mumuromo make makaɓuɗa munondo unopinza, kuti aroʋe marudzi nawo; ucaafudza netȿimbo yeɗare; unotsika ciȿiniro cehasha dzokutsamŋa kwaMŋari wamasimba ose.
16
Paŋguʋo yake napacidɀa cake pakaŋga pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO, NASHE WAMADZISHE.
17
Ɀino ndakaʋona mutumŋa amire muzuʋa; akaɗanidzira nenzwi guru, aciti kushiri dzose dzinobururuka pakati peɗeŋga: Ʋuyai, muʋuŋgane pacirayiro cikuru caMŋari,
18
kuti mudye nyama yamadzimambo, nenyama yaʋakuru ʋeɀuru ɀamazana, nenyama yaʋanesimba, nenyama yamabiza, neyaʋataȿi ʋawo, nenyama yaʋanhu ʋose ʋakasunuŋguka naʋakasuŋgwa, ʋaɗuku naʋakuru.
19
Ɀino ndakaʋona cikara ciya namadzimambo enyika nehondo dzaʋo, ʋakaʋuŋgana kuti ʋarwe naiye wakaŋga akataȿa biza, nehondo dzake.
20
Ipapo cikara cakaɓatwa pamŋe cete nomuprofita wenhema, wakaita ɀiratidzo pamberi paco, ɀaakanyeŋgera naɀo ʋaya ʋakapiwa ciratidzo cecikara, naʋainamata mufananidzo waco. Aʋa ʋaʋiri ʋakakandirwa ʋari ʋapenyu mugomba romŋoto unopfuta nesurferi.
21
Ʋakasara ʋakaʋurawa nomunondo waiye wakaŋga akataȿa biza, wakaɓuɗa mumuromo make; shiri dzose dzikaguta nyama yaʋo.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22