bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 9
Revelation 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
1
Ɀino mutumŋa wecishanu wakaridza, ndikaʋona nyeredzi, yakabva kuɗeŋga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika‐dzika.
2
Ikazarura gomba rakadzika‐dzika, ʋutsi bgukakwira bgucibva mugomba, soʋutsi bgeʋira guru; zuʋa neɗeŋga ɀikaȿiɓiswa noʋutsi bgegomba.
3
Muʋutsi makaɓuɗa mhashu dzikaʋuya panyika, dzikapiwa simba sesimba reɀinyaʋaɗa ɀenyika.
4
Dzikaʋudzwa kuti dzirege kutadzira ʋuswa bgenyika, necinhu cinyoro, kana miti yose, asi ʋanhu ɓedzi ʋasinecisimbiso caMŋari pahuma dzaʋo.
5
Hadzina‐kupiwa ɓasa rokuʋaʋuraya, asi kuti ʋarwadziswe mŋedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakaŋga kwakaita sokurwadzisa kwecinyaʋaɗa, kana ciciruma munhu.
6
Namazuʋa iwayo ʋanhu ʋacatȿaka rufu, asi haʋaŋgatoŋgoruwani, ʋacaʋiŋga kufa, asi rufu rucaʋatiza.
7
Pakuʋonekwa kwadzo mhashu dzakaŋga dzakaita samabiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakaŋga paneɀimŋe ɀakaita sekorona dzakafanana nendarama; ɀiso ɀadzo ɀakaŋga ɀakaita seɀiso ɀaʋanhu.
8
Dzakaŋga dzinevudzi rakaita sevudzi raʋakadzi, nameno adzo akaŋga akaita seeshumba.
9
Dzakaŋga dzineɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kweŋgoro dzamabiza mazhinji anomhanyira kurwa.
10
Dzakaŋga dzinemiswe, yakaita seyeɀinyaʋaɗa, noʋumborera; pamiswe yadzo pakaŋga panesimba rokukuʋadza ʋanhu mŋedzi mishanu.
11
Dzakaŋga dzinamambo wadzo, ari mutumŋa wegomba rakadzika‐dzika, zita rake neciHeberu ndiAbadoni, neciGiriki zita rake ndiAporioni.
12
Nhamo imŋe yapfuʋura; tarira, nhamo dzimŋe mbiri dzinoteʋera shure kwaiɀoɀi.
13
Ɀino mutumŋa wecitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi ricibva panyaŋga inna dzeartari yendarama yakaŋga iri pamberi paMŋari,
14
riciti kumutumŋa wecitanhatu wakaŋga anehwamanda: Sunuŋgura ʋatumŋa ʋanna ʋakasuŋgwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
15
Ipapo ʋatumŋa ʋanna ʋakasunuŋgurwa, ʋakaŋga ʋakagadzirirwa ŋguʋa, nezuʋa, nomŋedzi, negore, kuti ʋaʋuraye cetatu caʋanhu.
16
Kuwanda kwehondo dzaʋataȿi ʋamabiza kwakaŋga kuri ɀuru ɀeɀuru ɀamazana maʋiri; ndikanzwa kuʋereŋgwa kwaʋo.
17
Saiɀoɀo ʋo ndakaʋona mabiza pakuratidzwa kwaŋgu, naʋakaŋga ʋakaataȿa, ʋaneɀidzitiro ɀecifuʋa ɀakaita seɀomŋoto, neɀehiasinto, neɀesurferi; nemisoro yamabiza yakaŋga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makaɓuɗa mŋoto, noʋutsi nesurferi.
18
Cetatu caʋanhu cakaʋurawa namaɗambudziko awa matatu, anoti, mŋoto noʋutsi nesurferi, ɀakaɓuɗa mumiromo yawo.
19
Nokuti simba ramabiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuʋadza nayo.
20
Ʋamŋe ʋanhu ʋasina‐kuʋurawa namaɗambudziko awa, haʋana‐kutendeʋuka pamaɓasa amaʋoko aʋo, kuti ʋarege kunamata mŋeya yakaipa, neɀifananidzo ɀendarama, neɀesirveri, neɀendarira, neɀamabge, neɀemiti, ɀisiŋgagoni kuʋona, kana kunzwa, kana kufamba;
21
haʋana‐kutendeʋuka ʋo pakuʋuraya kwaʋo, kana pakurowa kwaʋo, kana paʋupombge bgaʋo, kana pakuɓa kwaʋo.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22