bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Revelation 7
Revelation 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
1
Shure kwaiɀoɀi ndakaʋona ʋatumŋa ʋanna, ʋamire kumatiʋi manna enyika, ʋakaɓata mhepo inna dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana paguŋgwa, kana pamiti yose.
2
Ipapo ndakaʋona mumŋe mutumŋa acikwira acibva kumabvazuʋa, anecisimbiso caMŋari mupenyu; akaɗana nenzwi guru kuʋatumŋa ʋanna, ʋaya ʋakaŋga ʋapiwa simba kuti ʋatadzire nyika neguŋgwa,
3
aciti: Musatadzira nyika, kana guŋgwa, kana miti, kuȿikira taisa cisimbiso pahuma dzaʋaranda ʋaMŋari.
4
Ndikanzwa kuwanda kwaʋakaiswa cisimbiso; ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna neɀinna, ʋakaiswa cisimbiso ʋacibva kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.
5
Kurudzi rwaJuda ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaRubeni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaGadi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;
6
Kurudzi rwaAseri ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaNeftarimi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaManase ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;
7
Kurudzi rwaSimeoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaRevi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaIsakari ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri;
8
Kurudzi rwaZaburoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaJosefa ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaBenjamini ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.
9
Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona ʋazhinji‐zhinji ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa nomunhu, ʋakabva kundudzi dzose, namarudzi, naʋanhu, nendimi, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peGwaiana, ʋakapfeka ŋguʋo cena, ʋakaɓata micindwe mumaʋoko aʋo;
10
ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋaciti: Ruponeso ŋgaruʋe kunaMŋari unogara pacigaro coʋushe, nokuGwaiana.
11
Ipapo ʋatumŋa ʋose ʋakamira, ʋakakomba cigaro coʋushe, naƲakuru, neɀisikwa ɀipenyu ɀinna, ʋakawira pasi neciso pamberi pecigaro coʋushe, ʋakanamata Mŋari,
12
ʋaciti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubginya, nokucenjera, nokuʋoŋga, nokukudzwa, noʋushe, nesimba, ŋgaɀiʋe kunaMŋari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni!
13
Ipapo mumŋe waƲakuru wakapindura, akati kwandiri: Aʋa ʋakapfeka ŋguʋo cena ndiʋananiko? Ʋakabvepiko?
14
Ndikati kwaari: Ishe waŋgu, imi munoziʋa. Akati kwandiri: Ndiʋo ʋanobva kukutambudzika kukuru, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo ʋakadzicenesa muropa reGwaiana.
15
Naiɀoɀo ʋari pamberi pecigaro coʋushe caMŋari, ʋanomushumira masikati noʋusiku mutembere yake; iye, unogara pacigaro coʋushe, ucaʋadzitira netabernakeri.
16
Haʋacazoziyi nenzara, haʋacazofi nenyota; haʋaŋgapiswi nezuʋa kana nokumŋe kupisa;
17
nokuti Gwaiana riri pakati pecigaro coʋushe ricaʋafudza, ricaʋatuŋgamirira kumatsime emvura yoʋupenyu; Mŋari ucapisika misodzi yose kumeso aʋo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22