bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 10
Job 10
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 11 →
1
“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura neshungu dzomwoyo wangu.
2
Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.
3
Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?
4
Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?
5
Ko, mazuva enyu akaita saavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,
6
kuti munzvere mhosva dzangu nokuongorora chivi changu,
7
kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
8
“Maoko enyu akandiumba nokundiita. Ko, zvino modzoka kuzondiparadza here?
9
Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Ko, zvino mondidzoserazve kuvhu here?
10
Ko, hamuna kundidurura somukaka here nokundigwambisa sechizi,
11
mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?
12
Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
13
“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.
14
Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.
15
Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.
16
Kana ndikazvikudza, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.
17
Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
18
Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.
19
Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kutakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!
20
Ko, mazuva angu haasi ava mashoma kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,
21
ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri worufu,
22
kunyika yerima guru, yomumvuri mukuru worufu nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42