bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 40
Job 40
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 41 →
1
Jehovha akati kuna Jobho:
2
“Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
3
Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
4
“Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
5
Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”
6
Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
7
“Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
8
‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
9
Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?
10
Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.
11
Bvisa ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,
12
tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.
13
Uvavige vose pamwe chete muguruva; usunge zviso zvavo muguva.
14
Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
15
“Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.
16
Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.
17
Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.
18
Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.
19
Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.
20
Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.
21
Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope.
22
Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mijinga morukova inoipoteredza.
23
Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.
24
Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42