bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 32
Job 32
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
1
Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
2
Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
3
Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
4
Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
5
Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
6
Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
7
Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
8
Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
9
Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
10
“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; nemiwo ndichakuudzai zvandinoziva.
11
Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,
12
ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake.
13
Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
14
Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri pakukakavadzana kwenyu.
15
“Vashamiswa uye havachina rokureva; vapererwa namashoko.
16
Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
17
Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
18
Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
19
mukati mangu ndafanana newaini iri mubhodhoro rakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
20
Ndinofanira kutaura kuti ndisununguke; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
21
Handina munhu wandinofanira kutsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
22
nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, muiti wangu aizokurumidza kunditora.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42