bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 36
Job 36
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
1
Erihu akaenderera mberi achiti:
2
“Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
3
Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu.
4
Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi.
5
“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga.
6
Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
7
Haabvisi meso ake pana vakarurama; anovasimudzira nokusingaperi.
8
Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
9
iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10
Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
11
Kana vakateerera uye vakamushandira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.
12
Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
13
“Vasina Mwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14
Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15
Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
16
“Iye ari kukukwezvai kubva pamuromo wenhamo, kuti akuisei panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, kuzvivaraidzo zvokutafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17
Asi zvino maremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubatai imi.
18
Muchenjerere kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai nepfuma; musarega fufuro huru ichikutsausai.
19
Ko, pfuma yenyu kana kushingaira kwesimba renyu kungakutsigirai kuti murege kutambudzika here?
20
Regai kushuva usiku, kuti mukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
21
Chenjerai kuti murege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvamunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
22
“Mwari anokudzwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
23
Ndianiko akamurayira nzira dzake, kana kuti kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24
Rangarirai kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25
Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
26
Haiwa Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
27
“Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, iwo anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28
makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29
Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mumba make?
30
Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
31
Ndiyo nzira yaanotanga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32
Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.
33
Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 37 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42