bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 9
Job 9
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 10 →
1
Ipapo Jobho akapindura akati:
2
“Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
3
Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru.
4
Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
5
Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru.
6
Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
7
Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.
8
Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
9
Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni nedzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
10
Anoita minana isingagoni kuyerwa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
11
Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
12
Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13
Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rikawira patsoka dzake.
14
“Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15
Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
16
Kunyange dai ndikamudana hangu uye iye akandipindura, handitendi kuti aizonditeerera.
17
Aizondipwanya nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
18
Haaizonditenderazve kuti ndiwane upenyu, asi aizondizadza namatambudziko.
19
Kana zviri zvesimba, iye ane simba! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
20
Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.
21
“Kunyange ndakarurama, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
22
Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vakarurama navakaipa.’
23
Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.
24
Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25
“Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka asina kumboona mufaro.
26
Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
27
Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, nokunyemwerera kwangu,’
28
ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
29
Sezvo ndakatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?
30
Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,
31
imi muchandinyudza mugomba renhope zvokuti nenguo dzangu dzichandisema.
32
“Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
33
Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,
34
mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
35
Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42