bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 13
Job 13
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 14 →
1
“Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
2
Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva handisi muduku kwamuri.
3
Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose nokuzvidavirira mhaka yangu kuna Mwari.
4
Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
5
Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti kungava kungwara kwamuri.
6
Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
7
Ko, mungataura, zvakaipa pachinzvimbo chaMwari here? Ko, mungataura zvinonyengera nokuda kwake here?
8
Mungamuitira rusaruro here? Mungarwira Mwari here?
9
Ko, zvingava zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
10
Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.
11
Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
12
Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.
13
“Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
14
Ko, ndinozviisirei mungozi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
15
Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye, zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
16
Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asingatendi Mwari achasvika pamberi pake!
17
Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
18
Zvino ndagadzirisa mhaka yangu, ndinoziva kuti ndicharuramisirwa.
19
Pana angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu,
20
“Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
21
Bvisai ruoko rwenyu kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
22
Ipapo mugondidana ndigodavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
23
Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
24
Munovanzireiko chiso chenyu muchindiita muvengi wenyu?
25
Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
26
Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
27
Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
28
“Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42