bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 31
Job 31
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
1
“Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
2
Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
3
Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
4
Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here?
5
“Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana tsoka dzangu dzamhanyira kunyengera,
6
Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
7
kana tsoka dzangu dzatsauka pagwara, kana mwoyo wangu ukatevera meso angu, kana dai maoko angu asvibiswa,
8
ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
9
“Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana dai ndaivandira pamusuo wewandigere naye,
10
ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.
11
Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.
12
Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.
13
“Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavanoshushikana neni,
14
ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
15
Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanaamai vedu here?
16
“Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
17
kana ndakazvichengetera chingwa, ndisingachigoveri nherera,
18
asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
19
kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokufuka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
20
uye mwoyo wake ukasandiropafadza kuti adziyirwe namakushe amakwai angu,
21
kana ndasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
22
ipapo ruoko rwangu ngaruve papfudzi rangu, ngaruvhunike napafundo.
23
Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
24
“Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
25
kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,
26
kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
27
zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
28
zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
29
“Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
30
handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwavo,
31
kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
32
Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
33
Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
34
nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
35
“Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; muponesi wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
36
Zvirokwazvo ndaimutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorana.
37
Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.
38
“Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
39
kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourinda,
40
ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42