bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 12
Job 12
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 13 →
1
Ipapo Jobho akapindura akati:
2
“Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi!
3
Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
4
“Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
5
Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
6
Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.
7
“Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;
8
kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.
9
Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
10
Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
11
Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?
12
Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
13
“Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.
14
Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
15
Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
16
Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
17
Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.
18
Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.
19
Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
20
Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
21
Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22
Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23
Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.
24
Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25
Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42