bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 28
Job 28
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
1
“Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.
2
Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
3
Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
4
Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
5
Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa,
6
safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
7
Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.
8
Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.
9
Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara nokuisa midzi yamakomo pachena.
10
Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.
11
Anotsvakisisa panotangira nzizi nokubudisa zvinhu zvakavanzika pachena.
12
“Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
13
Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.
14
Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
15
Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
16
Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
17
Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
18
Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.
19
Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.
20
Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
21
Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
22
Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
23
Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
24
nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
25
Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura,
26
paanoita chirevo chemvura negwara romutinhiro wemheni,
27
ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.
28
Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42