bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 19
Job 19
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
1
Ipapo Jobho akapindura akati:
2
“Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko?
3
Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
4
Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga.
5
Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu,
6
zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.
7
“Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8
Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
9
Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10
Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
11
Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
12
Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
13
“Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
14
Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
15
Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
16
Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.
17
Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18
Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
19
Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
20
Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.
21
“Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
22
Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
23
“Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,
24
dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi!
25
Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
26
Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
27
ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!
28
“Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
29
munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42