bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 21
Job 21
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
1
Ipapo Jobho akapindura akati:
2
“Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa.
3
Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu.
4
“Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
5
Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko.
6
Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
7
Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
8
Vanoona vana vavo vachisimbiswa vari pavari, navazukuru vavo pamberi pavo.
9
Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
10
Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
11
Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.
12
Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.
13
Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva murugare.
14
Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
15
Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’
16
Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yavakaipa.
17
“Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wavakaipa? Vanowirwa nenjodzi kanganiko?
18
Vanofanana namakoto anopepereswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?
19
Zvinonzi, “Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.” Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
20
Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
21
Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
22
“Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari, sezvo iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro here?
23
Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akanyatsogadzikana
24
mapfupa ake azere nomwongo.
25
Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
26
Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.
27
“Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amunondikanganisa nawo.
28
Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
29
Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nokuzvidavirira kwavo here,
30
zvokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
31
Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko ano muripira pane zvaakaita?
32
Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.
33
Ivhu romumupata rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
34
“Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42