bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 38
Job 38
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 39 →
1
Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati:
2
“Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo?
3
Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
4
“Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa.
5
Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi?
6
Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona,
7
panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vatumwa vose vachipembera nomufaro?
8
“Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro,
9
pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru,
10
pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa magoni aro namazariro panzvimbo yawo,
11
pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’?
12
“Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo,
13
kuti abate magumo enyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi?
14
Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo.
15
Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika.
16
“Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika?
17
Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here?
18
Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.
19
“Ko, nzira inoenda kunogara chiedza ndeipi? Ko, rima rinogarepi?
20
Ungagona kuzviisa kunzvimbo yazvo here? Unoziva nzira inoenda kwazvinogara here?
21
Zvirokwazvo iwe unoziva, nokuti wakangova waberekwa? Wararama kwamakore mazhinji kwazvo.
22
“Wakambopinda mudura rechando here, kana kuona dura rechimvuramabwe,
23
zvandakachengetera nguva dzokutambudzika, mazuva ehondo nookurwa?
24
Ko, nzira inoenda kunogoverwa mheni ndeipi, kana nzvimbo inoparadzirwa pamusoro penyika mhepo dzokumabvazuva?
25
Ndianiko anodziura mugero wemvura zhinji, uye nzira yechimvuramabwe,
26
kuti zvidiridze nyika isingagarwi nomunhu, gwenga risina munhu mariri,
27
kugutsa nyika yakaparadzwa nokuita kuti imere uswa?
28
Ko, mvura ina baba here? Ndianiko baba vamadonhwe edova?
29
Chando chinobva muchizvaro chaaniko? Ndianiko anobereka mazaya echando achibva kudenga,
30
panooma mvura ikaita sedombo, pamusoro pokwakadzika pachioma nechando?
31
“Ungagona kusunga nyeredzi dzechimutanhatu here? Iwe ungasunungura mabote eOrioni here?
32
Ungabudisa mapoka enyeredzi panguva yadzo here, kana kutungamirira Akuturo navana vayo?
33
Unoziva mitemo yokumatenga here? Ungagona kumisa umambo hwaMwari pamusoro penyika here?
34
“Ko, iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore here, nokuzvifukidza namafashamu emvura?
35
Ko, iwe unotuma mheni panzira yayo here? Ko, zvinodzoka kuzokuzivisa iwe here kuti isu tiri pano?
36
Ndianiko akaisa uchenjeri mumwoyo, kana kupa kunzwisisa kundangariro?
37
Ndianiko ane uchenjeri hwokuverenga makore? Ndianiko angagona kuteura matende emvura okudenga,
38
kana guruva raoma, uye mavhinga enyika anamatirana?
39
“Ko, iwe ungavhimira shumbakadzi chokudya here, uye ungagutsa shumba panzara yadzo here,
40
kana dzichitsivama mumapako adzo kana dzakavandira mudenhere?
41
Ndianiko anopa gunguo zvokudya kana vana varo vachichema kuna Mwari, uye vachidzungaira pose pose nokushayiwa zvokudya?
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42