bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 15
Job 15
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 16 →
1
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
2
“Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
3
Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here?
4
Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari.
5
Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
6
Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
7
“Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
8
Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
9
Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
10
Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.
11
Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iwo mashoko manyoro akataurwa kwauri?
12
Ko, mwoyo wako wakurasireiko. uye meso ako, anobwairireiko,
13
zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
14
“Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti ave akarurama?
15
Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
16
ko, kuzoti munhu, anosemesa uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
17
“Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
18
zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
19
ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
20
Munhu akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
21
Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, udyi hunomurwisa.
22
Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
23
Anofamba-famba achitsvaka zvokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
24
Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo amirira kurwisa,
25
nokuti anokungira Mwari chibhakera chake nokuzvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
26
achimhanyira kwaari achimuzvidza ane nhoo hobvu, yakasimba.
27
“Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
28
iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
29
Haachazovizve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
30
Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
31
Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pakupedzisira.
32
Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.
33
Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wotunga maruva awo.
34
Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
35
Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42