bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 20
Job 20
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
1
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2
“Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.
3
Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
4
“Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
5
kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
6
Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,
7
achaparara nokusingaperi, sendove yake pachake; vaya vakamuona vachati, ‘Aripiko?’
8
Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.
9
Ziso rakamuona harichazomuonizve; nzvimbo yake haichazomutsvakizve.
10
Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
11
Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
12
“Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,
13
kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,
14
asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyika mukati make.
15
Achapfira upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
16
Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi ruchamuuraya.
17
Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
18
Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
19
Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzaasina kuvaka.
20
“Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.
21
Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
22
Pakati pezvakawanda zvake, nhamo ichamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
23
Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
24
Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.
25
Anoutumbura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
26
rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina kupfutidzwa uchamuparadza uye uchapedza zvakasara mutende rake.
27
Matenga achaisa pachena kuipa kwake; nyika ichamumukira.
28
Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji inoerera pazuva rehasha dzaMwari.
29
Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42