bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 5
Job 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 6 →
1
“Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
2
Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
3
Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
4
Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
5
Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
6
Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
7
Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
8
“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
9
Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
10
Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
11
Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kurugare.
12
Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
13
Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
14
Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15
Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
16
Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wayo.
17
“Akaropafadzwa munhu anorangwa naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
18
Nokuti anokuvadza, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
19
Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
20
Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
21
Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
22
Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
23
Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
24
Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
25
Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
26
Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
27
“Takazviedza izvi, uye ichokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42