bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 30
Job 30
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 31 →
1
“Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, madzibaba avo ndaiashora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.
2
Ko, simba ramaoko avo rakanga rine basa rei kwandiri, sezvo simba ravo rakanga rapera?
3
Vaiponda nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma mumatongo nomunyika yakaparara.
4
Vakaunganidza miriwo inovava kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.
5
Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.
6
Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
7
Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.
8
Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
9
“Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.
10
Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.
11
Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.
12
Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
13
Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
14
Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
15
Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
16
“Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.
17
Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.
18
Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.
19
Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.
20
“Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
21
Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.
22
Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.
23
Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
24
“Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.
25
Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
26
Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
27
Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.
28
Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
29
Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.
30
Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.
31
Mbira dzangu dzashanduka dzikava kuchema, uye nyere yangu yava inzwi rokuungudza.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42