bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Job 11
Job 11
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 12 →
1
Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
2
“Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kururamisirwa here?
3
Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchihomera here?
4
Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
5
Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
6
uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
7
“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?
8
Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?
9
Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhamha kupfuura gungwa.
10
“Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
11
Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
12
Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara kupfuura kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.
13
“Asi kana mwoyo wako ukanamatira kwaari, uye iwe ukatambanudzira maoko ako kwaari,
14
kana ukaisa kure zvivi zviri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
15
ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.
16
Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakapfuura.
17
Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
18
Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharingaringa ugozorora murugare.
19
Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20
Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa pokuvanda; tariro yavo ichava yokufa.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42