bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 10
1 Kings 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
1
Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni panyaya yezita raTenzi akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma.
2
Akaenda kuJerusaremu akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura tunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni akamutaurira zvose zvaaifunga mumwoyo make.
3
Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana nechimwechete chakanga chakavanzika kuna mambo chaakatadza kumutsanangurira.
4
Mukadzi uyu, mambo wokuShebha paakaona ungwaru hwese hwaSoromoni nemba yaakanga avaka,
5
kwoti pateburu apa chokudya chaaidya kwozoti mugariro waiita makurukota ake naiwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaiva vakaita kwotiwo nevaimuperekera waini kwozoti mipiro yake yokupisa yaaipira kumba kwaTenzi, zvakamushayisa romuromo.
6
Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvechokwadi.
7
Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu.
8
Zvavo vanhu venyu, chokwadi machinda enyu anogara ainemi vachinzwa zvavo ungwaru hwenyu hwakadai!
9
Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kugadza imi umambo hweIsiraeri! Rudo rwaTenzi kuIsiraeri harupere, ndokusaka akakugadzai umambo kuti mutonge zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”
10
Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yaikwana makirogiramu zviuru zvina, nemikwende yakawanda kwazvo yetunonhuwirira neyematombo anokosha. Hapana kuzombouyazve tunonhuwirira twakawanda saitwotu twakapiwa mambo Soromoni namambokadzi wokuShebha.
11
Chitsama chengarava dziya dzaHiramu dzokundotora ndarama kuOfiri dzakaunzawo mapango mazhinji kwazvo omuti omuarimugu namatombo anokosha.
12
Mambo Soromoni akaita mitandariko yemapango omuarimugu yomumba maTenzi neyomumuzinda wamambo akavezawo zvipendani namadimbwa zvevaimbi. Hapana mapango omuarimugu akadai akazombouya kana kuonekwazve kusvikira pari nhasi.
13
Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake.
14
Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu
15
pasingaverengerwe yemitero yaibvisiswa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi namadzimambo okuArabhia nokuvatongi vomumatunhu omunyika make.
16
Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo huru imwechete yaiva yendarama makirogiramu ainge oda kuita manomwe.
17
Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo ndiki dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo diki imwechete yaiva yendarama yairema makirogiramu aida kuita maviri. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni.
18
Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira nendarama yakanakisisa.
19
Kundosvika pachigaro choumambo paiva namadanho matanhatu. Kuseri kwechigaro choumambo ichi kwaiva nomusoro wemombe. Kumativi uku chaiva nepokuisa maoko. Pakavambiranawo nepokuisa maoko paiva neshumba mbiri uku nouku kwechigaro choumambo chacho
20
paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aye ose ari matanhatu dzakati imwe uku imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai.
21
Midziyo yose zvayo yokunwira yokwaSoromoni yaiva yendarama. Midziyowo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa pasina yesirivha, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni
22
pamusana pokuti mambo akanga aine chitsama chengarava dzokuTashishi kugungwa pamwechete nedzaHiramu. Ngarava dzacho dzokuTashishi dzaiunza ndarama nesirivha nemunyanga wenzou netsoko namakudo.
23
Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi noungwaru.
24
Pasi pose vanhu vaidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa mumwoyo make.
25
Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chamachira kana chendarama kana mura kana chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi.
26
Soromoni akaunganidza ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Aive nechiuru chimwechete chengoro dzehondo dzamabhiza dzine ngoro mazana mana navachairi vadzo gumi rezviuru rine zviuru zviviri vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo.
27
Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika kuwanda.
28
Mabhiza okwaSoromoni aiatora kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue.
29
Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti, paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yamashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yamashekeri. Vanhu ivavo vemhindu dzokutengesa vokwamambo ndovaitozondotengeserawo madzimambo evaHiti nemadzimambo okuSiria zvinhu izvozvo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22