bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 19
1 Kings 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
1
Ahabhu akataurira Izebhero zvose zvakanga zvaitwa naEriya nokuuraya kwaakaita vaporofita vose nebakatwa.
2
Jezebhero ndokubva atumira nhume kuna Eriya achiti, “Chokwadi chaizvo, vamwari ngavandione kana mangwana panguva yakare ino iyi ndikarega kunge ndaita kuti upenyu hwako huite sehwemumwe wavo.”
3
Pamusana pokutyira upenyu hwake akasimuka akatiza akaenda kuBheerishebha kwaJudha akasiya mushandi wake ikoko.
4
Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”
5
Akabva ati zvake umburu kurara munyasi mechigwenzi chomutsvairo ndiye rororo kukotsira. Mutumwa ndiye pakarepo vhu ndokumuzunza achiti, “Muka udye.”
6
Eriya akatarisa onei kumusoro kwake kune mupotohayi wakabikirwa pamatombo anopisa, kwaivawo neguchu remvura. Akadya akanwira mvura ndokurarazve.
7
Mutumwa waTenzi akauyazve rwechipiri akamuzunza akati, “Muka udye, rwendo urwu rurefu kwauri.”
8
Akamuka akadya akanwira mvura. Nesimba rembuva iyoyo akagona kufamba siku nesikati kwamazuva makumi mana kuHorebhu, gomo raMwari.
9
Ikoko akasvikira mubako ndokumbogaramo. Shoko raTenzi ndokubva rauya kwaari. Akati kwaari, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
10
Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
11
Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku.
12
Mushure mokundengendeka kwakauya moto, asi Tenzi akanga asiri moto. Mushure memoto kwakanzwika izwi dete raitaura zvinyoronyoro.
13
Eriya paakarinzwa akafugidza uso nehanzu yake akabuda ndokundomira pamusuo pebako. Izwi rikauya kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
14
Iye akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu vakapunzira pasi atari, dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
15
Tenzi akamuti, “Chienda udzokere nokurenje reDhamasikusi ukange wasvikako unofanira kuzodza Hazaeri kuti ave mambo weSiria
16
uzodzewo Jehu mwanakomana waNimushi kuti ave mambo wokwaIsiraeri. Unofanirawo kuzodza Erisha mwanakomana waShafati wokuAbheromehora kuti ave muporofita panzvimbo pako.
17
Anenge apunyuka mumapakatwa aHazaeri achaurayiwa naJehu, anopunyukawo bakatwa raJehu achiurayiwawo naErisha.
18
Kunyange zvazvo zvakadaro ndichasiya zviuru zvinomwe zvavanhu muIsiraeri, vose zvavo vane mabvi asina kumbopfugamira Bhaari nomunhu wose ane muromo usina kumbomutsvoda.”
19
Saizvozvo Eriya akabva ipapo akandowana Erisha mwanakomana waShafati achirima aine nzombe dzakabopwa pamajoko gumi namaviri iye ari pane regumi nerechipiri racho. Eriya akapfuura nepaari akapaikira hanzu yake pana Erisha.
20
Erisha akabva asiya nzombe dzacho ndokumhanyira kuna Eriya akati, “Regai ndimbondotsvoda ndichionekana nababa naamai vangu ndigoti ndokuteverai.” Akati kwaari, “Dzokera zvako, ko chii chandaita kwauri?”
21
Akati dzokei kwaakanga achimutevera ndokutora chipani chenzombe dzake mbiri ndokudziuraya ndokubika nyama yadzo joko ririro huni dzokubikisa ndokupa vanhu vakadya ndokusimuka otevera Eriya omushandira.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22