bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 22
1 Kings 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
1
Kwakapera makore matatu ose nyika yeSiria neyeIsiraeri dzisina kurwisana.
2
Asi mugore rechitatu racho Jehoshafati mambo wokwaJudha akadzika kuna mambo wokwaIsiraeri.
3
Mambo wokwaIsiraeri akakurukura namakurukota ake achiti, “Zviye munoziva here kuti guta reRamotigireadhi nderedu. Asi isu toramba here takangonyarara tisingaritorere mambo weSiria.”
4
Ahabhu akabva ati kuna Jehoshafati, “Hamungaende here neni kuhondo kundorwisa guta reRamotigireadhi?” Jehoshafati akapindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu anongovawo mabhiza enyu.”
5
Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?”
6
Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita vainge voda kusvika mazana mana akavati, “Ndoenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
7
Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?”
8
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa chete.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.”
9
Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.”
10
Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo, panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vainge vachitoporofita vari pamberi pavo.
11
Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ”
12
Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwidzai zvenyu kuguta reRamotigireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.”
13
Nhumwa yakaenda kundodaidza Mikaya yakamuti, “Chinzwaika, vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo uku. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa ikoko zvivewo zvakanaka.”
14
Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvandinenge ndaudzwa naTenzi izvozvo ndozvandichataura.”
15
Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya toenda here kundorwisa guta reRamotigireadhi kana kuti torega zvedu?” Iye akapindura achiti, “A endai zvenyuka mundokundaka, Tenzi achariisaka mumaoko amambo.”
16
Mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikupikise kangani kunditaurira chokwadi muzita raTenzi.”
17
Iye ndokuti, “Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo sehwai dzisisina mufudzi. Tenzi akati, ‘Ivava ava, havasisina vanatenzi vavo. Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake murugare.’ ”
18
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu, asi zvakaipa chete.”
19
Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe.
20
Tenzi ati, ‘Ndiyani angaende zvake akafurira Ahabhu kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vadomatoma vachitaura twakasiyana-siyana.
21
Ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’
22
Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu ndondova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’
23
Naizvozvo chinzwai Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu vose. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.”
24
Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi maMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura kwauri?”
25
Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.”
26
Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti,
27
zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.”
28
Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka, Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzweiwo vanhu mose!”
29
Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamotigireadhi.
30
Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza akaita sokunge mumwewo munhu, ndokubva apindawo mukati mehondo.
31
Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru makumi matatu ana vaviri vengoro dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.”
32
Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere.
33
Pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira.
34
Asi mumwe murume akangokandawo museve ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati pedemautare rapadundundu rokuzvidzivirira naro, naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze hwehondo. Ndakuvadzwa ini!”
35
Hondo yakatsviriridza musi iwoyo, mambo ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yake yehondo akatarisa kuvaSiria kusvikira kumanheru ndokubva afa. Ropa reronda iri rakayererera pasi mungoro yehondo imomo.
36
Kuzoti zuva rodoka kwakadaidzirwa muhondo imomo zvichinzi, “Munhu wose ngaazive kuguta rokwake, munhu wose kunyika kwake.”
37
Saizvozvo mambo akafa akaendwa naye kuSamaria vakaviga mambo muSamaria.
38
Vakasukira ngoro yacho yehondo pane rimwe dziva romuSamaria, imbwa dzikananzva zvadzo ropa rake, pfambi dzikazvishambidza zvadzo imomo maererano neshoko raTenzi raakanga afanotaura.
39
Inga dzimwe nyaya dzezvaAhabhu nezvinhu zvose zvaakaita nemba yomunyanga wenzou yaakavaka namaguta ose aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
40
Naizvozvo Ahabhu akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, Ahaziya mwanakomana wake ndiye akazotonga panzvimbo pake.
41
Jehoshafati mwanakomana waAsa akatangisa kutonga kwaJudha mugore rechina rokutonga kwaAhabhu mambo wokwaIsiraeri.
42
Jehoshafati akanga ava namakore makumi matatu namashanu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi maviri namashanu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.
43
Jehoshafati uyu akatevera makwara ose ababa vake Asa asingambotsaukamo achiita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Zvakadaro zvazvo nzvimbo dziye dzakatunhumara dzokuteurira hadzina kubviswa, vanhu vakaramba vachingopira zvibayiro nokupisawo rusenzi panzvimbo idzodzo dzakatunhumara dzokuteurira.
44
Pakati paJehoshafati namambo wokwaIsiraeri paiva norunyararo.
45
Inga dzimwe nyaya dzezvaJehoshafati nougamba hwake hwaaiita nokurwa hondo kwaaiita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha.
46
Mhombwe dzaiita basa radzo irori mune zvokunamata dzakanga dzasaririra panguva yababa vake Asa akadzipedza kuuraya munyika.
47
Izvozvo kuEdhomu kwaiva kusina mambo kuchingova nomumiririri.
48
Jehoshafati akagadzira ngarava dzokuTarishishi dzokuenda nadzo kundotora ndarama kuOfiri. Asi havana kuzoendako nokuti ngarava dzakapararira kuEzionigebheru.
49
Ahaziya mwanakomana waAhabhu ndokuti kuna Jehoshafati, “Regai zvenyu machinda angu aende namachinda enyu mungarava idzi,” asi Jehoshafati haana kuda.
50
Jehoshafati akazovata oendawo kwakenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pakavigwa madzibaba ake muguta ratateguru wake Dhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoramu akazotonga panzvimbo pake.
51
Ahaziya mwanakomana waAhabhu akatanga kutonga kwaIsiraeri ari muSamaria mugore regumi nechinomwe rokutonga kwaJehoshafati mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri.
52
Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi akafamba mugwara rababa vake uye mugwara raamai vake uyewo mugwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati akaparisa Isiraeri chitadzo.
53
Ainamata Bhaari achimupfugamira akashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvinhu zvose zvaiitwa nababa vake.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22