bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 2
1 Kings 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
1
Kuzoti nguva yokufa kwaDhavhidhi yoswedera akasiya audza mwanakomana wake Soromoni kuti,
2
“Ini ndava kuda kuendawo kwakaenda vamwe. Tsunga mwoyo uite somurume
3
uchengete zvakarehwa naTenzi, Mwari wako, ufambe mumakwara ake uchichengeta mitemo yake nemirao yake nezvirongwa zvake nezvirevo zvake sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi kuitira kuti zvose zvaunoita zvikufambire zvakanaka kwose kwaunoenda,
4
Tenzi agozadzisa zvaakareva nezvangu achiti, ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera muitiro wavo vakafamba vakatendeseka kwandiri nomwoyo wose nomweya wavo wose, pachigaro choumambo hweIsiraeri hapazogara pasina murume wokwako.’
5
Uyewo unozivaka iwe dzandakaparirwa naJoabhu mwanakomana waZeruya. Zvaakaita zviye kune vatungamiriri vaviri vehondo yeIsiraeri kuna Abhuneru mwanakomana waNeru naAmasa mwanakomana waJeteru waakaponda kuuraya iyo yava nguva yorunyararo achitsividza ropa revanhu vakaurayiwa muhondo, akazviisira ropa pabhande rake raiva muchiuno napashangu dzake dzaiva mumakumbo.
6
Wozivawo zvokuita. Asi usati nokuchena kwaaita musoro kudai womurega achienda kuvachakabvu zvakanaka.
7
“Asi vanakomana vaBhazirai vokuGireadhi uvaitire mwoyochena vavewo pakati pevanodya pamwechete newe pateburu yako nokuti ndozvavakandiitirawo pavakauya kwandaiva ndiri pandaitiza mukoma wako Abhusharomu.
8
“Kwouyawo Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akandishura mare kundituka musi wandaienda kuMahanaimu. Asi paakadzika kuzondichingura kuna Jorodhani ndakamupikira naTenzi ndichiti, ‘Handimbokuuraya nebakatwa.’
9
Asi zvino iwe usati haane mhosva. Iwe uri munhu ane ungwaru. Uchazivawo zvokuita naye. Kunyange zvazvo achena musoro kudaro kuenda kwakwe kuvachakabvu ngakuve kwerufu rweropa.”
10
Dhavhidhi akazovatawo oenda kwakaendawo vamwe, madzitateguru ake akavigwa muguta raDhavhidhi.
11
Dhavhidhi akatonga Isiraeri kwemakore makumi mana. Akatonga kwemakore manomwe ari kuHebhuroni. Akazotonga kwemakumi matatu amakore ana makore matatu ari kuJerusaremu.
12
Soromoni akagara pachigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi umambo hwake hukanyatsodzika midzi.
13
Adhoniya mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhatishebha amai vaSoromoni. Ivo vakati, “Kutsvene here kuuya kudai?” Iye akati, “Kutsvene zvako.”
14
Ndokubva ati, “Ndingambotaurawo zvangu kanyaya nemi here?” Ivo vakati, “Taura zvako.”
15
Iye akati, “Handiti munozviziva kuti umambo hwanga huri hwangu uyewo kuti Isiraeri yose yaitotarisira kuti ini ndini ndichatonga. Asi zvakazouya nepamwe, umambo hukabva hwava hwomunun'una wangu nokuti ndohwake hwokupiwa naTenzi.
16
Asi ndine chichemo chimwechete ichi kwamuri. Dai mukarega zvenyu kundirambidza.” Ivo vakamuti, “Taura zvako.”
17
Iye akati, “Ndikumbirireiwo kuna mambo Soromoni havangambokurambirai kuti vandipewo Abhishagi wokuShunamu achiva zvake mukadzi wangu.”
18
Bhatishebha akati, “Zvakanaka. Ndichakusvitsira chichemo chako kuna mambo.”
19
Bhatishebha akabva aenda kuna mambo Soromoni kundosvitsa chichemo chaAdhoniya. Mambo akasimuka akavachingura akavakotamira kuvaremekedza akagara pachigaro chake choumambo. Akaisirawo amai vake chigaro choumambo vakagara kurudyi rwake.
20
“Ndine kamwe kanhu kandanga ndichida kutaurawo kwamuri. Dai mukarega zvenyu kundirambira.” Mambo akati kwavari, “Kumbirai zvenyu amai handikurambidzii.”
21
Ivo vakati, “Dai mukarega Abhishagi wokuShunamu apiwe zvake kune mukoma wenyu Adhoniya ave mukadzi wake.”
22
Mambo Soromoni vakati kuna amai vavo, “Mazokumbirirei kuti Abhishagi wokuShunamu apiwe kuna Adhoniya? Mukumbirireiwoka umambo. Inga mukoma wangu wani. Handiti mupristi Abhiyatari naJoabhu mwanakomana waZeruya ndevokwake.”
23
Mambo Soromoni akapika naTenzi kuti, “Mwari ngaandione andiomesere kwazvo kana zvataurwa naAdhoniya izvi zvikarega kupinza upenyu kwake murufu.
24
Saka zvino naTenzi mupenyu nyakuita kuti ndidzike midzi pachigaro choumambo chababa vangu Dhavhidhi, akaita kuti imba yangu ive imba youmambo sokuvimbisa kwakaita Adhoniya anotopafa chete iye nhasi uno wakare.”
25
Naizvozvo mambo Soromoni akamutumira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akamuuraya akafa.
26
Mambo akati kumupristi Abhiyatari, “Chiendai zvenyu kuAnatoti kupurazi yenyu nokuti chenyu imi manga muchifanira kufa. Asi pari zvino handikuurayei nokuti ndimi maitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari muchitungamirira baba wangu Dhavhidhi mukaonerana nhamo pamwechete nababa vangu.”
27
Saizvozvo Soromoni akadzinga Abhiyatari pabasa raTenzi roupristi zvikabva zvazadzisa zvakanga zvarehwa naTenzi pamusoro pemhuri yokwaEri kuShiro.
28
Nyaya iyi payakasvika kuna Joabhu, zvaivapo ndezvokuti Joabhu uyu akanga aita mukumbumumwechete naAdhoniya kunyange zvazvo asina kumbenge aita saizvozvo naAbhusharomu, Joabhu akatizira kutendhe raTenzi akandobata zvinenge nyanga zvepaatari.
29
Mambo Soromoni paakazvitaurirwa kuti, “Joabhu akatizira kutendhe raTenzi izvozvi anotoa paatari.” Soromoni akatumira Bhenaya mwana waJehoyadha achiti, “Enda undomuuraya.”
30
Bhenaya akasvikopinda mutendhe raTenzi akamuti, “Mambo vari kuti, ‘Buda imomo.’ Asi iye akati, ‘Aiwa ndinofira zvangu muno.’ ” Bhenaya akadzokera neshoko kuna mambo rokuti, “Joabhu andipindura achidai izvi.”
31
Mambo ndokumuti, “Ita zvaareva. Muuraye umuvige kuti ubvisire ini nemba yababa vangu mhosva yeropa ravanhu vasina mhaka rakadeurwa naJoabhu.
32
Tenzi achaita kuti ropa raakadeura rimupfukire iye akauraya nebakatwa vanhu vaviri vakarurama kupinda iye vaitova nani pana iye vanaAbhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yevokwaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteru mutungamiriri wehondo yokwaJudha uyezve akazviita baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi.
33
Imomo ropa ravo richapfukira Joabhu nezvizvarwa zvake nokusingaperi asi kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokumhuri yake noumambo hwokwake kuve norugare runobva kuna Tenzi narini wose.”
34
Saizvozvo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akakwirako akamuuraya akafa. Akavigwa kumusha kwake kurenje.
35
Mambo akaisa Bhenaya mwana waJehoyadha pakutungamirira hondo panzvimbo paJoabhu, akaisawo mupristi Zadhoki panzvimbo paAbhiyatari.
36
Mambo akatumira shoko rokuti Shimei auye akamuti, “Zvivakire imba muJerusaremu muno ugare imomo usambobva zvako ipapo uchienda kumwe.
37
Zvichazoitika ndezvizvi zvokuti zuva rauchabva ipapo uchiyambuka kakova keKidhironi nyatsoziva zvako kuti chako iwe kufa, rufu rwako nderwokuzviparira.”
38
Shimei akadaira kuna mambo achiti, “Zvamareva zvakanaka. Ini muranda wenyu ndichaita sokureva kwenyu mambo changamire.” Saizvozvo Shimei akagara muJerusaremu kwenguva ndefu.
39
Mushure memakore matatu zvakazongoitikawo kuti vamwe varanda vaShimei vaviri vakatizira kuGati kuna mambo Akishi mwanakomana waMaaka. Shimei paakazvitaurirwa kuti, “Inga varanda venyu vari kuGati.”
40
Shimei akasimuka akasunga dongi rake akaenda kuGati kuna Akishi kundotsvaka varanda vake. Shimei akasvikotora varanda vake kuGati akadzoka navo.
41
Pazvakasvitswa munzeve dzaSoromoni kuti Shimei akambobva muJerusaremu akatoenda kuGati akadzoka,
42
mambo akatumira shoko rokuti Shimei auye, akati kwaari, “Handina here kuti upike naTenzi ndikanyatsokudurira kuti pazuva raunongobuda uchienda kupi zvako unofanira kunyatsoziva kuti chako iwe kufa? Iwe ukandipindura uchiti zvamareva zvakanaka ndichateerera.
43
Zvino wakaregererei kuchengeta mhiko yawakapika naTenzi nomutemo wandakakupa?”
44
Mambo akatiwo kuna Shimei, “Handiti mumwoyo uri kutoziva zvakaipa zvose zvawakaitira baba wangu Dhavhidhi. Zvino Tenzi achaita kuti uipi hwako hukupfukire.
45
Asi mambo Soromoni achakomborerwa, umambo hwokwaDhavhidhi huchadzikiswa midzi naTenzi narini wose.”
46
Mambo akamutumira Bhenaya mwana waJehoyadha, akabuda akamuuraya akafa. Naizvozvo umambo hwakabva hwanyatsova chaizvo mumaoko aSoromoni.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22