bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 6
1 Kings 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
1
Mugore remazana mana nechimakumi masere racho vaIziraeri vabva kunyika yeIjipiti, mugore raSoromoni rechina rokutonga Isiraeri, mumwedzi waZivhi mwedzi wechipiri ndimo maakatanga kuvakira Tenzi imba.
2
Imba yacho yakavakirwa Tenzi namambo Soromoni, urefu hwayo hwaiita makumi maviri amamita ana mamita manomwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita gumi namatatu ane chidimbu.
3
Kamba kepamusuo usati wapinda mukati memba yacho, kaiva nourefu hwaita mamita mapfumbamwe sezvaiva zvakangoitawo upamhi hwemba yacho. Upamhi hwekamba kepamusuo pemba iyi hwaiva mamita mana nechidimbu.
4
Imba iyoyi akaiitirawo mahwindo ezvitanda zvakachinjikwa-chinjikwa.
5
Akavakawo chimwe chengo chakatendererana nemba iyi yose nechokunze, chakatendererana nemba iyoyi yose nenzvimbo yayo inoera achikamura-kamura mukati kuita dzimba.
6
Paunhurikidzwa hwayo, yapasi yaiva noupamhi hwaiita mamita maviri ane masendimita makumi maviri. Yapakati yacho yaiita mamita maviri ane masendimita makumi manomwe upamhi. Yokumusoro yaivawo noupamhi hwaiva mamita matatu ane masendimita gumi. Chakadariso ndechokuti nechokunze kwemba iyoyo pamadziro, akavaka zvinenge zviga kuitira kuti mapango emwamba yenhurikidzwa dzacho arege kuita zvokupfekerwa mumadziro emba iyoyo.
7
Paivakwa imba iyoyi, yaivakwa namabwe akanga akatovezwa kare kwaaikwakwanurirwa ikoko zvokuti kunyange kugogodza kwenyundo kana kwedemo kana kweimwewo simbi zvayo hakuna kunzwikwa muTemberi imomo payainge ichivakwa.
8
Musuo womunhurikidzwa yapasi waiva kumaodzanyemba kwemba iyoyi. Painge paine manera okuenda nawo kunhurikidzwa yapakati namamwewo okuenda kunhurikidzwa yechitatu yacho.
9
Saizvozvo Soromoni akavaka imba iyi akaipedza. Akaita denga remba iyoyi namapango omusidhari akanyatsorongwa.
10
Akavaka nhurikidzwa yaiva yakatendererana nemba yacho yose, chengo chenhurikidzwa yoga yoga kukwira mudenga chakanga chichiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, chaiva chakabatanidzwa kumba iyoyi namapango omusidhari.
11
Zvakabva zvazoitika kuti shoko raTenzi rakauya kuna Soromoni richiti,
12
“Panyaya yemba yauri kuvaka iyi, kana ukatevedza mirao yangu uchichengeta zvirevo zvangu nokuteerera mitemo yangu yose uchiitevedza, ndopandichaita kwauri zvandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.
13
Ndichaita musha wangu mukati mavaIsiraeri ndisingazomborasa vanhu vangu vaIsiraeri.”
14
Nokudaro Soromoni akavaka imba yacho akaipedza.
15
Soromoni akaroverera kumadziro omukati emba iyoyo mapuranga omusidhari akavezwa kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo zvokuti madziro emukati iwayo akati namapuranga chechetere. Akanyatsotiwo pasi apa namapuranga omusaipuresi ware ware.
16
Akaita kamwe kamba kuseriseri kwemba iyi nechomukati kaiva namamita mapfumbamwe. Akakaita namapuranga akavezwa emusidhari kubvira pasi kusvikira mudenga panoperera chengo. Akakavakira nechomukati imomo senzvimbo inoera yomukatikati, nzvimbo inoeresesa.
17
Tisati tasvika kune ikaka aka, imba yacho chaiyo yaiva nourefu hunoita mamita gumi namasere, tichireva Temberi yacho chaiyo.
18
Mapuranga acho omusidhari omukati memba imomu akanga akavezerwa paari zvimwe zvinenge mapudzi namaruva akazaruka. Imba yose yaingova musidhari chete, pasingaonekwe kana ibwe.
19
Nzvimbo inoera iya yomukati akaigadzirira nechomukatikati memba iyoyi kuti aisemo bhokisi raTenzi rechitenderano.
20
Nzvimbo iyi inoera yomukatikati yaiva nourefu hwaiita mamita mapfumbamwe, upamhi hwayo huri mamita mapfumbamwe, kukwira kwayo mudenga kuchiita mamita mapfumbamwe, akaitsvetera ndarama chaiyo yakanakisisa. Pamberi payo akagadzirawo atari yakaitwa nomusidhari.
21
Soromoni akatsvetera mukati memba yacho nendarama chaiyo yakanakisisa. Akachingamisa cheni dzendarama pamberi penzvimbo inoera yomukatikati akaitsvetera ndarama.
22
Akatsvetera imba iyoyo yose nendarama kusvikira imba iyoyo yapera yose. Atari yomukatikati kunzvimbo inoera akaitsveterawo yose nendarama.
23
Munzvimbo inoera yomukatikati iyi akagadzira mifananidzo miviri yezvisikwa zvinonzi makerubhu zvakaitwa nomuti womuorivhi. Kerubhu roga roga rakanga riine urefu hunoita mamita mana ana masendimita makumi mana.
24
Bapiro rimwechete rekerubhu raiva rakareba mamita maviri namasendimita makumi maviri. Saizvozvo rimwe bapiro rekerubhu rakanga rakarebawo mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Nokudaro kubvira kunoperera rimwe kusvikira kunopererawo rimwe racho paiita mamita mana ane masendimita makumi mana kureba.
25
Rimwewo kerubhu rakanga rakangorebawo mamita mana ane masendimita makumi mana. Makerubhu iwayo ose ari maviri akanga aine urefu humwechetehwo nechimiro chimwechetecho.
26
Marebero akanga akaita kerubhu rimwechete kuenda mudenga ndomarebero akanga akaita rimwe racho.
27
Akamisa makerubhu aya mukatikati chaimo memba iyoyo. Mapapiro emakerubhu akanga akatambanudzwa zvokuti bapiro rerimwe kerubhu raiva rakaguma madziro okuku, bapiro rerimwewo kerubhu rakagumawo madziro okuku; mamwewo mapapiro aya akagumana nechepakati pemba iyi.
28
Akatsvetera makerubhu iwaya ndarama.
29
Akavezera mufananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara namaruva akazaruka pamadziro ose emba iyoyo kuatenderera omukamba kaye kwomukati nedzimwe dzimba dzokunze dzacho.
30
Uriri hwemba iyi akahutsvetera nendarama, hwekamba kaya kwomukati nehwedzimwe dzimba dzacho.
31
Musuo womukati munzvimbo inoera akaugadzirira magonhi omuti womuorivhi. Magwatidziro omusuo iwoyo nerepamusoro pacho akanga akagadzirwa zvokuti aiita mativi mashanu.
32
Pamagonhi maviri aya omuorivhi akati tsvete nemifanidzo yemakerubhu neyemirara neyamaruva akazaruka akaitwa zvokuvezerwapo. Akazvitsvetera ndarama, akatsveterawo ndarama makerubhu nemifananidzo iya yemirara.
33
Ndizvozvo zvaakaita pamusuo weTemberi, akaugadzirira magwatidziro omuti womuorivhi zvokuti musuo wakava namativi mana.
34
Akaita magonhi maviri omuti womusaipurasi. Rimwechete raigona kugonya richipeteka, rimwewo racho richigona kugonyawo richipetekawo.
35
Akavezera paari mifananidzo yemakerubhu neyemiti yemirara neyamaruva akazaruka. Akatsvetera paari nepane zvakavezerwapo zviye ndarama achizora zvakaenzanirana.
36
Akavakira ruvanze chidziro chamabwe akavezwa akarongwa mitsara mitatu kukwira nomutsara mumwechete wamapango omusidhari.
37
Mugore rechina iroro ugaro hwemba iyoyo yaTenzi hwakavambwa mumwedzi waZivhi iwoyo.
38
Kuzoti mava mugore regumi nechiposhi mumwedzi waBhuru, mwedzi wechisere, imba iyoyi yakapera kuvakwa nezvayo zvose zvaifanira kuvakwa maererano nezvakanga zvakarongwa pairi kuti zviitwe. Akapedza makore manomwe achiivaka.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22