bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 16
1 Kings 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Shoko raTenzi rakauya kuna Jehu mwanakomana waHanani rakananga Bhaasha richiti,
2
“Pamusana pokuti chingo chandakukwidziridza ndichikubvisa pasi apa pavhu ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, iwe wakatotevera zvako gwara raJerobhoamu ukapinza vanhu vangu vaIsiraeri muchitadzo vakandishatirisa nezvitadzo zvavo izvozvo,
3
chinzwa, ndichanyatsotsvaira Bhaasha nevemba yake ndichiita kuti imba yake iite semba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
4
Wose wokwaBhaasha anofira muguta achadyiwa nembwa, wokwake anofirawo musango achidyiwawo neshiri dzedenga.”
5
Inga dzimwe nyaya dzezvaBhaasha nezvinhu zvaakaita nougamba hwake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri.
6
Bhaasha akazovata akaenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa kuTiriza. Mwanakomana wake Era ndiye akazotonga panzvimbo pake.
7
Chakaitisawo kuti shoko raTenzi riuye kumuporofita Jehu rakananga Bhaasha nemba yake kwaiva kutadza kwaakaita kusingadiwi naTenzi achimushatirisa netwaakabata namaoko ake, achitevedzera zvaiitwa nemba yaJerobhoamu uyewo pamusana pokuiparadza kwaakaita.
8
Mugore remakumi maviri nechitanhatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Era mwanakomana waBhaasha akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza; akatonga kwamakore maviri.
9
Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo,
10
Zimuri akapindamo akamurova akamuuraya muri mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndokubva ava kutonga panzvimbo pake.
11
Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake.
12
Ikoku ndokuuraya kwakaita Zimuri vose vemba yaBhaasha maererano neshoko raTenzi rakauya nokumuporofita Jehu rakananga Bhaasha
13
pamusana pezvitadzo zvaBhaasha nezvomwana wake zvavakapara zvavakapinzawo nazvo vokwaIsiraeri mukutadza vachishatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri uyewo nezvifananidzo zvokunamata.
14
Inga dzimwe nyaya dzezvaEra nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
15
Mugore ramakumi maviri nechinomwe rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Zimuri akatonga kwamazuva manomwe ari muTiriza. Izvozvo hondo dzake dzakanga dzakakomba kurwisa guta ravaFirisitia reGibhetoni.
16
Hondo idzi dzakanga dziri mumatendhe iwayo dzakanzwa kuti Zimuri akamukira mambo akamuuraya naizvozvo vokwaIsiraeri vose vakabva vatora Omuri mutungamiriri wehondo vakamugadza umambo hwokwaIsiraeri zuva iroro kumatendhe avo ikoko.
17
Nokudaro Omuri akabva kuGibhetoni vokwaIsiraeri vose vainaye vakandokomba Tiriza vorirwisa.
18
Pakaona Zimuri kuti guta rakurirwa akatizira mumuzinda wamambo. Akapisa imba yamambo nomoto akatsviramo akafa
19
pamusana pezvitadzo zvake zvaakapara zvokuita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevera zvake gwara raJerobhoamu, uyewo pamusana pechitadzo chake chaakaita chaakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
20
Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri.
21
Vanhu vokwaIsiraeri vakabva vakamukana kuita mapato maviri. Chimwe chikamu chakatevera Tibhini mwanakomana waGinati kuti vamuite mambo chimwewo chakatevera Omuri.
22
Asi vaitevera Omuri vakakurira vaitevera Tibhini mwana waGinati, Tibhini ndokufa, Omuri ndokubva ava mambo.
23
Mugore ramakumi matatu nechiposhi rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Omuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Akatonga kwamakore gumi namaviri. Makore matanhatu, akatonga ari kuTiriza.
24
Akatenga kuna Shemeru chikomo cheSamaria nezviuru zvitanhatu zvemari yesirivha akavakirira chikomo ichochi norusvingo. Pamusana paShemeru, aimbova muridzi wechikomo ichi, akatumidza guta racho raakavaka zita rokuti Samaria.
25
Omuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi zvokuita zvakaipa kupinda vose vakamutangira
26
achitevera makwara ose aJerobhoamu mwana waNebhati nezvitadzo zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri muchitadzo vakashatirisa Tenzi, Mwari weIsiraeri nezvifananidzo zvavo zvokunamata.
27
Inga dzimwe nyaya dzezvaOmuri dzezvinhu zvaakaita nougamba hwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
28
Omuri akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muSamaria. Mwanakomana wake Ahabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
29
Mugore ramakumi matatu nechisere rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha, Ahabhu mwanakomana waOmuri akatanga kutonga kwaIsiraeri. Ahabhu uyu mwana waOmuri akatonga kwaIsiraeri ari muSamaria kwamakumi maviri amakore ana makore maviri.
30
Ahabhu mwana waOmuri akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi kupinda vose vakamutangira.
31
Akaona kutevera gwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati sokunge chinhu chidikidiki, akatoroora zvake Jezebhero mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, akatoenda kundonamata Bhaari achimupfugamira.
32
Akavakira Bhaari atari mutemberi yaBhaari yaakanga amuvakira kuSamaria.
33
Ahabhu akagadzira chimufananidzo chinomiririra Ashera, mumwe mwari wechikadzi. Ahabhu uyu akaita zvakawanda zvokushatirisa Tenzi kupinda mamwe madzimambo ose okwaIsiraeri akamutangira.
34
Mumazuva ake Hieri wokuBhetieri akavaka Jeriko. Kuvaka ugaro hwaro akatokuripa norufu rwomwana wake mukomana wedangwe ainzi Abhiramu. Kumisawo misuo mikuru yaro akakuripa negotwe rake rechikomana sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waJoshuwa mwanakomana waNuni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22