bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 8
1 Kings 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 9 →
1
Soromoni akazokokorodza vakuru vakuru veIsiraeri navakuru vakuru vose vamadzinza avo, vatungamiriri vedzimba dzamadzimambo evanhu vechiIsiraeri, vakaungana kuna mambo Soromoni muJerusaremu kuti vaende kundotakura bhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi, guta reZioni.
2
Saizvozvo varume vose vechiIsiraeri vakaungana kuna mambo Soromoni pamazuva makuru emwedzi waEtanimu, mwedzi wechinomwe.
3
Vakuru vakuru vose veIsiraeri pavakasvika, vapristi vakandotakura bhokisi rechitenderano.
4
Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano netendhe rokusanganira nemidziyo yose inoera yaiva mutendhe iroro rokusanganira. Vapristi navaRevhi ndovakauya nazvo.
5
Mambo Soromoni negungano rose ravaIsiraeri vakanga vaungana kwaari vakanga vainaye paiva nebhokisi rechitenderano ipapo, vakapira hwai nemombe zhinji dzisingaverengeki kana kugona kuverengetwa.
6
Vapristi vakazondoisa bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo paro munzvimbo inoera mukamba kwomukatikati kemba iyoyi, munzimbo inoeresesa nechepasi pamapapiro emakerubhu aye.
7
Chaivapo ndechokuti makerubhu iwayo akanga akatambanudza mapapiro pamusoro penzvimbo yebhokisi rechitenderano zvokuti makerubhu iwayo aiva akafugidza bhokisi rechitenderano iri namapango aro okuritakurisa.
8
Mapango aya aiva akareba zvokuti kwokupedzesera kwawo kwaitoonekwawo kunyange nomunhu ari munzvimbo inoera tisati tapinda munzvimbo inoera. Asi akanga asingaonekwe nomunhu ari kunze, achiriko nanhasi uno.
9
Mubhokisi rechitenderano makanga musisina chimwe chinhu kunze kwamafendefa amabwe maviri aye akaiswamo naMosesi kuHorebhu kwakaita Tenzi chitenderano navanhu veIsiraeri pavakapinda munyika yeIjipiti.
10
Vapristi pavakabuda munzvimbo inoera muya gore rakazadza imba yaTenzi
11
zvokuti vapristi vakatadza kuita basa ravo pamusana pegore iri nokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyi.
12
Soromoni akati, “Kunyange zvazvo Tenzi ariye akaisa zuva kumatenga uku asi Tenzi akazvisarudzira zvake kugara mugore rakati kwirindindi.
13
Iniwo ndakanyatsokuvakirai imba, ino chaiyo, inomukurumbira, musha wokuti imi mugare zvenyu nokusingaperi.”
14
Mambo akazotendeuka akabva akomborera gungano rose reIsiraeri iro gungano reIsiraeri rose rakati ji kumira.
15
Akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wevaIsiraeri akadai kuzadzikisa zvaakatsidzira baba vangu Dhavhadhi achiti,
16
‘Kubvira pandakaburitsa vanhu vangu vaIsiraeri muIjipiti, handina kusarudza guta mumadzinza ose eIsiraeri mokuti muvakwe imba yokuisa zita rangu. Asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsiraeri.’
17
“Baba vangu Dhavhidhi akanga ainazvo mumwoyo zvokuvakira zita raTenzi, Mwari wavaIsiraeri imba.
18
Asi Tenzi akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Zvokuti mumwoyo mako muve nepfungwa yokuvaka imba yokuisa zita rangu, changa chiri chinhu chakanaka chawanga unacho mumwoyo.
19
Chete, iwewe hausiriwe wokundivakira imba yacho asi kutoti mwana wako mukomana wauchaberekerwa ndiye achavaka imba ichaiswa zita rangu.’
20
Zvino Tenzi akazadzisa chitsidzo chaakatsidza, kukazomuka ini panzvimbo yababa vangu vaDhavhidhi, hezvi ndigere pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri sokutsidza kwakaita Tenzi, ndikazovakirawo zita raTenzi, Mwari wevaIsiraeri imba iyi.
21
Ndimo mandati mugare bhokisi raMwari rine chitenderano chaTenzi chaakaita namadzimambo edu paakavaburitsa munyika yeIjipiti.”
22
Soromoni akamira pamberi peatari yaTenzi gungano rose reIsiraeri riripo akasimudzira maoko ake mudenga akanamata
23
achiti, “Imi Tenzi, Mwari wevaIsiraeri, hakuna Mwari akaita semi, kumusoro kudenga kana panyika pasi pano anochengeta chitenderano achiitira mwoyochena varanda vake vanofamba vakatendeseka kwaari nomoyo wose,
24
semi makachengeta zvamakataurira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi. Makataura imi nomuromo wenyu noruoko rwenyu mukazvizadzisa sezvazviri nhasi uno.
25
Zvino Tenzi, Mwari wavaIsiraeri chengetedzai waro zvamakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi zvaakavataurira achiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo hwokwaIsiraeri. Ndokungewo vana vako vachenjerera mafambiro avo vafambawo mberi kwangu sokufamba mberi kwangu kwawakaitawo iwe.
26
Saka zvino imi Mwari wevaIsiraeri shoko renyu ramakatsidzira muranda wenyu baba vangu Dhavhidhi ngarichiitika.’
27
“Chaizvo chaizvo Mwari angaite panyika pano kuti pave musha wake nhai! Inga wani denga kana iwo matengatenga haakwane kuti ave musha wake. Ko kutozoti imba iyi yakavakwawo neniwo zvangu.
28
Kunyange zvazvo zvakadaro Tenzi, Mwari wangu rerekerai nzeve dzenyu kumunamato wangu ini muranda wenyu nokuchichemo changu, munzwewo chichemo nomunamato wandiri kuita kwamuri nhasi uno
29
kuti ziso renyu rirambe riri pamba iyoyi siku nesikati panzvimbo iyi yamakati, ‘Ichadaidzwa nezita rangu,’ kuitira kuti mugozonzwawo munamato wangu ini muranda wenyu wandiri kuitira nzvimbo ino.
30
Inzwaiwo chichemo ichi changu ini muranda wenyu nechevanhu venyu vaIsiraeri pavanonamata vakaringira kunzvimbo ino, vanzwei muri kudenga kwamunogara, pamunenge manzwa muvaregerere.
31
“Kana munhu akatadzira mumwe wake, akange anzi apike mhiko, akauya akasvikopika mhiko yake pamberi peatari yenyu mumba muno,
32
pakadaro apo imi teererai muri kudenga ikoko muwane chamungaite nazvo. Muteme zvinowirirana nemhosva yacho, ane mhosva muti apfukirwe nemhosva yake anengewo asina mhosva mudure pachena kuti haana mhosva maererano nokururamawo kwake.
33
“Kana vanhu venyu vaIsiraeri vakakundwa navavengi pamusana pokuti vakakutadzirai vakange vadzokerazve kwamuri, vokuzivaizve zvino nezita, vakanamata vachiisa zvichemo zvavo kwamuri mumba muno,
34
vanzwei kudenga ikoko muregerere vanhu venyu vaIsiraeri chitadzo ichocho, muvadzorere kunyika yamakapa madzitateguru avo.
35
“Kana denga richinge rapfigwa rarega kunaya mvura pamusana pokuti vakakutadzirai, vakanamata vakaringa kunzvimbo ino, vavakukuzivai zvino nezita vakakanda pasi chitadzo chavo, imi manga mambovaonesa nhamo,
36
vanzwei kudenga ikoko, muregerere muranda wenyu, navanhu venyu vaIsiraeri chitadzo chavo, muvadzidzise makwara akanaka okuti vafambe nawo, mupe mvura nyika yenyu yamakapa vanhu venyu senhaka yavo.
37
“Kana munyika ino mukaita nzara kana kuti mukaita denda kana zvikukuve kana chiundudzi, kanawo kukauya mhashu kana rukonye kana kuti vavengi vavo vakavatambudza munyika muno muguta ravo ripi zvaro kunyange nyatwa ipi zvayo kana kukava nechirwere chipi nechipi zvacho,
38
vanhu venyu vose vaIsiraeri kana kuti ani naani zvake anenge aine nhuna dzaari kunzwa mumwoyo make akazotambanudza maoko akaringa kumba ino achiita munamato upi zvawo kana kuisa chichemo chipi nechipi zvacho,
39
munzwei kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara, mumuregerewo muwane chimwe chamungaite nazvo sezvo muchiziva zviri mumwoyo make, mubatsirei zvichienderanawo namaitiro ake (nokuti imi moga ndimi munoziva zviri mumwoyo womunhu)
40
kuitira kuti vagare vachikutyai misi yose yavachagara munyika yamakapa madzitateguru avo.
41
“Pamusana pezita renyu muitewo zvimwechetezvo nomutorwa, wechirudzi kuvanhu venyu vaIsiraeri, mubvakure
42
nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru nezvoukuru hwenyu nezvesimba renyu guru, akauya kuzonamata akaringa kumba ino,
43
imi munzweiwo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muitire mutorwa iyeyo zvose zvaanenge akukumbirai kuitira kuti marudzi ose avanhu vapanyika pano vagoziva zita renyu vakutyei sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri uyewo vagoziva kuti imba ino yandavaka yakaiswa zita renyu.
44
“Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisa vavengi vavo kwamunenge mati vaende, vakanamata kunemi Tenzi vakaringa kuguta rino ramakasarudza vakaringawo kumba iyi yandakavakira zita renyu,
45
vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo.
46
“Kana vakaita chitadzo kwamuri, sezvo kusina munhu asingapari chitadzo, imi mukavashatirirwa mukavaisa mumaoko avavengi vavo kuti vatapwe vaendwe navo kunyika yavavengi vavo iri kure kana pedyo,
47
kunyange zvazvo zvakadaro vakazviti kunun'unu mumwoyo mavo vari munyika youtapwa imomo vakapinduka voturira chichemo chavo kwamuri vari munyika youtapwa iyoyo vachiti, ‘Takatadza tikaita zvakaipa tikave vasina kururama;’
48
kana vakapindukira kwamuri nomwoyo wavo wose vachinge vanyatsozvipira kupinduka ivo pachavo vari munyika yavavengi vavo vanyakuvatapa, vakanamata kwamuri vakaringa kuno kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo kuguta ramakasarudza kumba ino yandakavakira zita renyu;
49
vanzwei munamato wavo nechichemo chavo kudenga ikoko kunzvimbo yenyu kwamunogara muvaitire zvavanenge vachichemedzeka nazvo
50
muregererewo vanhu venyu vanenge vakutadzirai, muvaregererewo zvikanganiso zvavakakukanganisirai nazvo mupe kuti vanyakuvatapa vacho vavaitire tsiye nyoro,
51
nokuti vanhu venyu, inhaka yenyu iyi, vanhu vamakaburitsa kuIjipiti mukati mevira nomoto wesimbi.
52
Meso enyu atarise misodzi yezvichemo zvomuranda wenyu atarisewo misodzi yezvichemo zvevanhu venyu vaIsiraeri murerekere nzeve dzenyu kwavari pose pavanochema kwamuri
53
nokuti imi Tenzi Mwari makavatsaura mukati memarudzi ose apanyika pano kuti vave nhaka yenyu sokutaura kwamakaita nomuromo waMosesi muranda wenyu pamakaburitsa madzitateguru edu kuIjipiti.”
54
Soromoni paakapedza kunamata munamato uyu wose nokuturira chichemo ichi kuna Tenzi, akasimuka pamberi peatari yaTenzi paakanga akapfugama akasimudzira maoko ake mudenga.
55
Akamira akakomborera gungano rose reIsiraeri nezwi riri pamusoro achiti,
56
“Tenzi ngaarumbidzwe akazorodza vanhu vake vaIsiraeri akaita zvose zvaakatsidza pasina kana chimwe zvacho chisina kuitika pazvinhu zvose zvakanaka zvaakatsidza nomuromo womuranda wake Mosesi.
57
Tenzi, Mwari wedu ngaave nesu sokuva kwaaimbovawo namadzitateguru edu. Dai akarega kutisiya kana kutifuratira
58
aite kuti titorwe mwoyo naye tifambe mumakwara ake tichengete mitemo yake nemirao yake nezvirevo zvake zvaakaudza madzibaba edu kuti zvichengetwe.
59
Dai mazwi angu aya andataura pakuisa chichemo changu kuna Tenzi angoramba waro ari paari iye Tenzi, Mwari wedu siku nesikati uyewo muitire muranda wenyu navanhu vake vaIsiraeri zvavanenge vachichemedzeka nazvo zvavanenge vamuturira pazuvaro
60
kuitira kuti marudzi ose apasi pano azive kuti Tenzi ndiye Mwari, hakuna mumwe.
61
Dai imi nomwoyo wose mangova mukombe nechirongo naTenzi, Mwari wedu mutevedze mirao yake muchengete mitemo yake sezvazviri nhasi uno.”
62
Mambo navaIsiraeri vose vaaiva navo vakazopira zvibayiro kunaTenzi.
63
Soromoni akapira kuna Tenzi mipiro yokuwadzana yemombe zviuru makumi maviri zvine zviuru zviviri uyewo zviuru zvehwai zvaiita zana rina makumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose veIsiraeri vakateketera imba iyoyi kuna Tenzi.
64
Musi wakarewo mambo akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi macho. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendarira yaiva ipapo paiva naTenzi yakaita diki kuti ipirirwepo mupiro wokupisa nomupiro weupfu hwembesanwa namafuta emipiro yokuwadzana.
65
Naizvozvo, panguva iyoyo, Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo gungano guru kwazvo vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe ndokuitazve mamwe mazuva manomwe, ose pamwechete akaita mazuva gumi namana vari pana Tenzi, Mwari wedu. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kukakova keIjipiti.
66
Pazuva rechisere mambo akaparadza musasa oonekana navanhu. Vanhu vakarumbidza mambo vakaenda kumisha yavo mwoyo yavo isingagone nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvakaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuvanhu vake vaIsiraeri.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22