bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 12
1 Kings 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
1
Rehobhoamu akaenda kuShikemu kwakanga kwaunganwa neIsiraeri yose kundomugadza umambo.
2
Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakazvinzwa, akaramba zvake ari kuIjipiti (sezvo akanga achiri kuIjipiti ikoko kwaakaenda atiza mambo Soromoni).
3
Vakamutumira nhume kundomudaidza. Jerobhoamu uyu negungano rose rokwaIsiraeri vakasvikopira nyaya yavo kuna Rehobhoamu vachiti,
4
“Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema. Zvino dai mukarerutsa basa rababa venyu rakaoma kudai nejoko ravo rinorema ravakaisa patiri tigokushandirai zvedu.”
5
Iye akavati, “Chimboendai mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.” Nokudaro vanhu ava vakaenda zvavo.
6
Mambo Rehobhoamu akandobvunza mazano kune vechikuru chikuru vaimbova makurukota kuna Soromoni baba vake pavakanga vachiri vapenyu achiti, “Zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi?”
7
Ivo vakati kwaari, “Zvanhasi uno izvi kana mukabvuma zvenyu kuva muranda wokuvashandira mukavataurirawo zvakanaka pamunovapindura, naivowo vachava varanda kwamuri mazuva ose.”
8
Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake.
9
Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ”
10
Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo,’ kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu.
11
Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.”
12
Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu.
13
Mambo akapindura vanhu ava nehasha achisiya zano raakanga apiwa nevechikuru vaye.
14
Akataura kwavari achitevera zano riye raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.”
15
Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naTenzi kuti azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhija okuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
16
VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, kumusha! Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.”
17
VaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumisha yavo. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu.
18
Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vose vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware.
19
Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi.
20
VokwaIsiraeri vose pavakanzwa kuti Jerobhoamu akadzoka vakamutumira shoko rokuti auye kumusangano vakamugadza umambo hwevokwaIsiraeri vose. Zvokumba yokwaDhavhidhi hapana akanga achazvinzwa kunze kwevedzinza rokwaJudha chete.
21
Rehobhoamu paakasvika kuJerusaremu akaunganidza vose vemba yokwaJudha nevedzinza rokwaBhenjamini. Vakanga vari zana namakumi masere ezviuru zveshasha chaidzo dzokurwa hondo kundorwisa vokwaIsiraeri kuitira kuti vadzorere nyika kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.
22
Shoko raMwari rakauya kuna Shemaya munhu waMwari,
23
rikati, “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo wokwaJudha nokuimba yose yokwaJudha neyokwaBhenjamini nevamwe vanhu vose
24
zvanzi naTenzi, regai kuenda uye musarwisana nehama dzenyu vanhu vokwaIsiraeri. Munhu wese ngaadzokere kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo voenda sokutaura kwaTenzi.
25
Jerobhoamu akazovaka guta reShikemu munyika yokwaEfuraimu yamakomo akandogaramo. Akazobvapo akandovaka guta rePenueri.
26
Jerobhoamu uyu akazviti nechemumwoyo, “Zvavapo zvino ndezvokuti umambo hwava kuzodzokera kumba yokwaDhavhidhi
27
kana vanhu ava vachienda kundopira zvibayiro muimba yaTenzi kuJerusaremu. Mwoyo yavanhu ava ichapindukira kuna tenzi wavo Rehobhoamu mambo weJudha. Vachandiuraya ava vodzokera kuna Rehobhoamu mambo weJudha.”
28
Mambo akabvunza mazano akabva agadzira zvimhuru zviviri zvendarama, ndokubva azoti kuvanhu “Zvokuramba muchienda kuJerusaremu izvi zvakwana. VaIsiraeri we-e ava ndivo vamwari venyu vakakuburitsai muIjipiti.”
29
Chimwe akandochiisa kuBhetieri chimwe chacho akandochiisa kwaDhani.
30
Ichochi chakave chitadzo nokuti vanhu vakanga vava kutoenda kune chokuBhetieri chiya vachitondosvikawo kunyange nokwaDhani.
31
Akavakawo dzimba panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapa basa roupristi kuvanhuwo zvavo vasiri vemba yokwaRevhi.
32
Jerobhoamu uyu akasarudza zuva guru mumwedzi wechisere musi wechigumi neshanu kutevedzera zuva guru raichengetwa kwaJudha. Akapira zvibayiro paatari. Izvozvi ndozvaakaita kuBhetieri achipira zvibayiro kuzvimhuru zvaakanga aumba. Akaisawo muBhetieri imomo vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzaakanga agadzira.
33
Aienda kuatari yaakavaka kuBhetieri pazuva regumi nechishanu racho remwedzi wechisere mumwedzi waakanga angosarudza iye zvomusoro wake. Ndiye zvake akarongera vanhu vokwaIsiraeri zuva. Aipota achikwira ikoko kundopisa rusenzi paatari iyoyo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22