bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 17
1 Kings 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
1
Mumwe mugari wokuTishibhi kuGireadhi anonzi Eriya akati kuna Ahabhu, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu, Mwari weIsiraeri wandinonamata kuti hakuchaita dova kana kunaya zvako makore ano kusatoti ndataura.”
2
Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati,
3
“Chibva pano unange kumabvazuva unohwanda kukakova keKeriti kumabvazuva kweJorodhani.
4
Mukakova ikako ndimo mauchanwa mvura. Ndaudza makunguwo kuti apote achikupa chokudya ikoko.”
5
Saizvozvo akaenda akaita sokutaura kwakanga kwaitwa naTenzi. Akandogarawo kukakova keKeriti kari kumabvazuva kwaJorodhani.
6
Makunguwo aimuigira chingwa nenyama kumangwanani, kumauro achimuigirawo chingwa, achinwa mvura mukakova kacho.
7
Kwakati perei chinguva kakova aka kakabva kapwa nokuti munyika umu makanga musisanayi mvura.
8
Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati,
9
“Chisimuka uende kuZarefati guta rokuSidhoni ugareko. Ndakaudza imwe chirikadzi ikoko kuti ikupe zvokudya.”
10
Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.”
11
Mudzimai uyu paakanga oenda kundoitora, Eriya akadaidzira kwaari achiti, “Mundiigirewo chimedu chechingwa mumaoko.”
12
Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.”
13
Eriya akamuti, “Musatye zvenyu Endai zvenyu muite zvamareva, asi tangai mandigadzirira kachingwa paupfu ihwohwo mundiigirewo kuno mozoti mozvibikirawo imi nomwana wenyu,
14
nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ”
15
Akaenda akandoita zvakanga zvataurwa naEriya, mudzimai uyu nevemba yake naEriya vakadya kwamazuva mazhinji.
16
Upfu hwomumudziyo muya hauna kumbopera, mafutawo, muguchu muya haana kukwenguka sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya.
17
Zvakazoitikawo kuti mushure maizvozvi mukomana uya mwana womudzimai uya muridzi wemba, akarwara. Chirwere chake chakakura zvokuti upenyu pakanga pasisina.
18
Mudzimai uyu akati kuna Eriya, “Ko chandakakutadzirai chiiko nhai, munhu waMwari? Heya kuuya kwenyu kwandiri kwaiva kwokuti uipi hwangu huyeukwe nhai nokuurayisa mwana wangu!”
19
Eriya akamuti, “Ndipei kuno mwana wenyu.” Eriya akamutora mumaoko avo ndokumutakura oenda naye kumba yapamusoro maaigara akamuradzika pamubhedha wake chaiwo.
20
Akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu, mungauyise here chokwadi nhamo yakadai kunyange kuchirikadzi yandigere nayo nokuuraya mwanakomana wayo?”
21
Akazvambarara pamusoro pomwana katatu achichema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu itai waro kuti mweya womwana uyu udzokere maari.”
22
Tenzi akanzwa chichemo chaEriya, mweya womwana wakadzokera mumwana uyu. Nokudaro akava mupenyu pakare.
23
Eriya akatora mwana ndokuburuka naye mumba yapamusoro iya opinda mumba, akamupa kuna amai vake. Eriya ndokuti, “Hoyuka mwana wenyu, ava mupenyu.”
24
Mudzimai uyu ndokuti kuna Eriya “Ndazoziva zvino kuti muri munhu waMwari uyewo kuti shoko raTenzi ramunotaura nomuromo wenyu nderechokwadi.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22