bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 20
1 Kings 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
1
Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose akanga ana madzimambo makumi matatu namaviri aine mabhiza nengoro dzehondo. Akakwira kundokomba achirwisa Samaria.
2
Akatumira nhume muguta kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri achimuti, “Zvanzi naBhenihadhadhi,
3
‘Sirivha yako nendarama yako ndezvangu. Vakadzi vako vakanakisisa ivavo pamwechete navana ndevangu.’ ”
4
Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti, “Hongu sokutaura kwamaita mambo changamire wangu, ini ndiri wenyu nazvose zvandinazvo ndezvenyu.”
5
Nhumwa dzakauyazve dzava kuti, “Zvanzi naBherihadhadhi, ‘Ndakakutumira nhume dzokuti undipe sirivha yako nendarama yako navakadzi vako navana vako.’
6
Kunyange zvakadaro mangwana panguva yakare ino iyi ndichatumira machinda angu achazotsvaga mumuzinda mako nomudzimba dzamakurukota ako vachikutorera zvinhu zvako zvepamwoyo.”
7
Mambo wokwaIsiraeri akadaidza vakuru vakuru vose venyika iyoyi akati, “Zvino cherechedzaiwo apa muone, muromo ndowaari kutsvaga munhu uyu nokuti akatumira nhume dzokuzonditorera vakadzi vangu navana vangu nesirivha yangu nendarama yangu, ini handina kuramba nazvo.”
8
Vakuru vakuru vose navanhu vose vakamuti, “Regai kuzviteerera kana kuzvibvuma.”
9
Ipapo Ahabhu akati kunhume dzaBhenihadhadhi, “Mondotaurira mambo changamire wangu kuti zvose zviya zvamataura pakutanga ndichazviita. Asi izviwo izvi handizviiti.” Nhumwa idzi dzakabvapo ndokumuigira mhinduro yacho.
10
Bhenihadhadhi akatumirazve nhume kwaari dzichiti, “Chokwadi chaizvo vamwari ngavandione kana ndikasiya muSamaria muchine ivhu rokuti mumwe nomumwe wavanhu vanonditevera awane chanza chizere chevhu.”
11
Mambo wokwaIsiraeri akapindurawo achiti “Mumuudze kuti, ‘Munhu anenge achipfeka hanzu yokuhondo yokuzvidzivirira nayo, ngaarege kuzvitutumadza somunhu abvako ava kutoikatanura.’ ”
12
Bhenihadhadhi paakanzwa mhinduro iyi achingunonwira-nwira zvake namadzishe mudumba, akati kuvarwi vake, “Mirai pamunofanira kuva.” Ivowo ndokundomira pavaifanira kuva kuti vachirwisa guta iri.
13
Mumwe muporofita akabva asvikawo kuna Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati, “Zvanzi naTenzi, ‘Uri kuona here mhomho yavanhu iyi?’ Chinzwa, ndichavaisa mumaoko ako nhasi uno kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.”
14
Ahabhu akabva ati “Ndiani achatakudzwa basa iroro?” Iye akati, “Zvanzi naTenzi, ngariitwe nevechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu.” Iyewo ndokuti, “Ndiani wacho achatanga kurwisa?” Iye akati, “Ndimi imimi.”
15
Ahabhu akaunganidza vechidiki vezvikwata zvavatongi vamatunhu, vaiva mazana maviri avanhu ane vanhu makumi matatu navaviri. Mushure maivava akaunganidza vanhu vose veIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu.
16
Vakaendako masikati zuva richirova nhongonya. Izvozvo Bhenihadhadhi achinwa zvake doro kutoraradza ari kumatendhe, iye namadzimambo aye makuni matatu ana vaviri aimubatsira.
17
Vechidiki vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu ndivo vakatanga kubuda. Bhenihadhadhi akatuma vanhu vakamutaurira kuti kuna vanhu vari kuuya uku vachibva kuSamaria.
18
Iye akati, “Kana vachinge vavinga zvorugare uyai navo vari vapenyu, kunyange vari vavinga zvehondo uyai navo vari vapenyu.”
19
Saka vechidiki ivava vezvikwata zvinotungamirirwa namasadunhu vakabuda muguta vachiteverwa navarwi vehondo.
20
Mumwe nomumwe akauraya wake. VaSiria ndokuti ware kutiza vaIsiraeriwo ndokudzingirirana navo. Asi Bhenihadhadhi akati kata pabhiza ndokupunyuka navamwewo vatasvi vamabhiza.
21
Mambo wokwaIsiraeri akavabudira akaparadza mabhiza nengoro dzehondo akakatakazha kuuraya vaSiria.
22
Muporofita uya akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Chisungai dzisimbe munyatsoona zvimwe zvamungaite nokuti muchirimo, panguva yepfumvudza, mambo wokuSiria uyu achakudzokerai.”
23
Makurukota amambo wokuSiria akakurukurira mambo wavo vachiti, “Vamwari wavo ndavamwari vomumakomo ndokusaka vakaita simba kupinda isu. Asi dai kuri kuti tarwisana navo mubani, hatimborega kuvakurira.
24
Chomoita ndechichi dai mukabvisa mambo oga oga pakutungamirira. Panzvimbo pavo muise vatungamiriri vehondo,
25
mounganidzawo hondo yakangoita seyamakarasikirwa nayo, muchitsivanisa bhiza nebhiza, ngorowo nengoro tondorwisana navo mubani. Pakadaro hatimborega kuvakurira.” Akabvumirana nezvavakataura akaita saizvozvo.
26
Kuzoti chava chirimo, panguva yepfumvudza, Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria akakwira kuApeki kundorwisa vokwaIsiraeri.
27
Vanhu vokwaIsiraeri vakaunganidzwawo vakapiwa mbuva vakaenda kundovarwisa. VokwaIsiraeri vakadzika matendhe avo pakatarisa navo vachinge tumatanga tuviri twembudzi. Asi vaSiria vakazara nyika yose.
28
Munhu waMwari akaenda kuna mambo wokwaIsiraeri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, pamusana pokuti vaSiria vakati, ‘Tenzi ndimwari womumakomo haasiri mwari womumapani, saka naizvozvo ndichaisa gurumwandira irori mumaoko ako kuti uzvizive kuti ndini Tenzi.’ ”
29
Vakapedza mazuva manomwe vari kumatendhe avo vakangotarisana. Pazuva rechinomwe racho vakabva vatanga kurwa. VokwaIsiraeri vakauraya zana rezviuru zvavarwi vetsoka vechiSiria pazuva rimwechete.
30
Vamwe vose vakatizira muguta reAfeki, rusvingo rukawira makumi maviri ezviuru zvavarume zvina varume zviuru zvinomwe vokusara vaya. Bhenihadhadhi akatiza akandopinda mune imwe imba yomukati muguta umu.
31
Makurukota ake akati kwaari, “Zvamunoonaka takanzwa zvichinzi madzimambo okwaIsiraeri madzimambo ane tsitsi. Ngatipfekei mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro tondozviturira kuna mambo wokwaIsiraeri angangodaro akakuregai muri vapenyu.”
32
Saizvozvo vakapfeka mitikisha yamasaga muchiuno netsungare dzetambo mumusoro vakaenda kuna mambo wokwaIsiraeri vakati, “Muranda wenyu Bhenihadhadhi ati, ‘Ingondiregaiwo zvenyu ndiri mupenyu.’ ” Iye ndokuti, “Achiri mupenyu here? Ihama yangu uye.”
33
Izvozvo varume ava vakanga vachicherechedza chiratidzo vakachiwana mukutaura kwake vakabva vakurumidza kuchishandisa vakati, “E-e Bhenihadhadhi ihama yenyu?” Iye ndokuti, “Endai muuye naye.” Akamuti akwire mungoro yehondo.
34
Bhenihadhadhi akatiwo kwaari, “Maguta akatorerwa baba venyu nababa vangu ndichaadzosera kwamuri, muite zvenyu zvitoro muDhamasikusi sezvakaita baba vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nezvatarongerana pano izvi, ndinokuregera zvako uende.” Naizvozvo akaita chibvumirano naye akabva amurega oenda zvake.
35
Mumwe weboka ravaporofita, atumwa naTenzi, akati kune mumwe wake, “Ndirove.” Asi munhu iyeyo akaramba.
36
Iye ndokubva amuti, “Chinzwa, pamusana pokuti waramba kuteerera zvarehwa naTenzi paunongobva chete pandiri pano uchaurayiwa neshumba.” Paakangobva paiva nomunhu uya shumba yakasangana naye ikamuuraya.
37
Muporofita uya akasanganazve nomumwe munhu akati, “Ndapota ndirovewo.” Murume uyu akamurova akamukuvadza.
38
Muporofita uyu akabva ipapo akandomirira mambo panzira akazvivanziridza kuita sokunge mumwewo munhu ane bhandhiji rakasungwa pamusoro pemaziso.
39
Pakanga pava kupfuura mambo akadaidzira kuna mambo achiti, “Ini muranda wenyu ndakapinda mukati mayo hondo ichirwiwa, ndiye onei murwi wehondo auya kwandiri nomunhu akanditi, ‘Chengeta munhu uyu, akangoshayikwa chete upenyu hwake hunotoripwa norufu rwako kana kuti unoripa zviuru zvitatu zvemari yesirivha.’
40
“Pandakanga ndati batikanei nebasa munhu uye ndopaakandiverera.” Mambo wokwaIsiraeri ndokumuti, “Kutongwa kwako kuchava ndikoko, sokutaura kwawaita.”
41
Akabva akurumidza kubvisa bhandhiji riye pamusoro pamaziso ake pakarepo mambo wokwaIsiraeri akabva amuziva kuti mumwe wavaporofita.
42
Akabva ati kuna mambo, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti wakatorega zvako iwe munhu wandakanga ndatemera kuparadzwa akatoenda zvake, naizvozvo kuva mupenyu kwake kuchatoripwa norufu rwako vanhuwo vake vachiripwa noupenyu hwavanhu vako.’ ”
43
Mambo wokwaIsiraeri akaenda kumuzinda kwake atsamwa ashatirwa akasvika kuSamaria.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22