bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 4
1 Kings 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
1
Mambo Soromoni aitonga Isiraeri yose zvayo.
2
Aiva makurukota ake ndeaya anoti: Muprisiti aiva Azariya mwanakomana waZadhoki
3
samunyori ari Erihorefu naAhiya vanakomana vaShisha samunyori mukuru aiva Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi.
4
Mutungamiri wehondo aiva Bhenaya mwanakomana waJehoyadha vamwe vapristi vaiva Zadhoki naAbhiyatari.
5
Mukuru mukuru wamasadunhu aiva Azariya mwanakomana waNatani. Jinda ramambo neshamwari yamambo aiva mupristi Zabhudhi mwanakomana waNatani.
6
Mukuru mukuru wapamuzinda wamambo aiva Ahisha. Mukuru mukuru webasa rechibharo aiva Adoniramu mwanakomana waAbhudha.
7
Soromoni aiva namasadunhu gumi namaviri ndoaiva okuwanira chokudya mambo navose vomumuzinda make. Mumwe nomumwe aiva nebasa rokuwanira mambo zvokudya kwomwedzi wose pagore.
8
Mazita avo ndeaya, kwaiti: Bhenihuri kunyika yokwaEfuraimu yemakomo
9
Bhenidhekeri kuMakazishaaribhimu nokuBhetishemeshi neEronibhetihanani
10
Bhenihesedhi kuArubhoti sadunhu wokuSoko noruwa rweHeferu rwose
11
Bheniabhinadhabhu kuNafatidhori uyu akanga akaroora Tafati mukunda waSoromoni
12
Bhaana mwanakomana waAhirudhi sadunhu wokuTaanaki nokuMegidho nokuBhetishani yose pedyo nokuZaretani kumaodzanyemba kweJezirieri, kubvira kuBhetishani kundosvika kuAbherimehora kundoyambukira kuJokimeamu
13
Abherimehora sadunhu wokuRamatigireadhi nemisha yomuGireadhi yevemhuri yokwaJairi mwanakomana wokwaManase noruwa rwose rwokwaArigobhu kuBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu ane tsvingo ane zvihuri zvemisuo mikuru zvendarira
14
Abhinadhabhu mwanakomana waIdho sadunhu wokuMahanaimu
15
Ahimaazi sadunhu wokwaNafutari (uyu akanga akaroorawo mukunda waSoromoni, Bhasimati)
16
Bhaana mwanakomana waHushai sadunhu wokwaAsheri nokuAroti
17
Jehoshafati mwanakomana waParua sadunhu wokwaIsakari
18
Shimei mwanakomana waEra sadunhu wokwaBhenjamini
19
Gebheri mwanakomana waUri sadunhu wokuGireadhi nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgu mambo weBhashani ndiye oga aiva sadunhu.
20
VokwaJudha nevokwaIsiraeri vaiva vakawanda sejecha romumahombekombe egungwa. Vaidya vachinwa upenyu huchivafadza.
21
Soromoni aitonga nyika dzose kubvira muna Yufuratesi kusvikira kunyika yevaFirisitia nokumuganhu weIjipiti. Vaitera mutero vachishandira Soromoni upenyu hwake hwose.
22
Pazuva, kwaSoromoni kwaidiwa zvokudya zvakadai izvi, kwaiti: makumi mashanu amasaga oupfu hwekoroni hwakatsetseka, nezana ramasaga oupfu
23
nemombe gumi dzakakodzwa nedzimwe mombe makumi maviri uye mbudzi nehwai zana kwouyawo nondo nemhara nemhembwe nehuku dzakakodzwa.
24
Chaidariso ndechokuti aitonga dunhu rose rokumadokero kwaYufuratesi kubvira kuTifusa kusvikira kuGaza achitonga madzimambo ose kumadokero aYufuratesi aine runyararo mativi ose akanga akamupoteredza.
25
Panguva yose yaSoromoni kwaJudha nokwaIsiraeri kwakanga kuine runyararo kubvira kwaDhani kundosvika kuBheerishebha munhu wose ari pamutambarakede pamuvhaini nepamukuyu wake.
26
Soromoni aivawo notumatanga twemabhiza zviuru makumi mana navachairi vawo zviuru gumi nezviviri.
27
Masadunhu aye aye ndiwo aiwanira mambo Soromoni zvokudya nevose vaidya pamwechete namambo Soromoni pateburu yake, mumwe nomumwe mwedzi wake, ndiwowo aiwona kuti hapana here chiri kushayikwa.
28
Vaiunzawo bhari nemashanga amabhiza namanyurusi kwazvainge zvanzi zviunganidzirwe maererano nezvirongwa zvasadunhu woga woga.
29
Mwari akapa Soromoni ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvakanyanyisisa kwazvo noruzivo rwakawanda chaizvo sejecha romumahombekombe egungwa
30
zvokuti ungwaru hwaSoromoni hwaipfuura ungwaru hwevanhu vose vokumabvazuva noungwaru hwose hwokuIjipiti.
31
Uyezve akanga aine ungwaru kupinda munhu wose, kupfuura Etani vokwaEzira naHemani naKarikorai naDharidha vanakomana vaMahori. Akaenda mbiri munyika dzose dzaiva dzakapoteredza.
32
Akaita tsumo zviuru zvitatu nenziyo chiuru chimwechete chine shanu.
33
Aigona kukurukura nezvemiti kubvira kumushidhari uri kuRebhanoni kusvikira pakamuti komuhisopi kanomera pamadziro. Aikwanisawo kukurukura nezvemhuka neshiri nezvezvinozvova napasi uye nezvehove.
34
Vanhu vaiuyako vachibva kundudzi dzose kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni vachibvawo kumadzimambo ose apasi pano akanga anzwa nezvoungwaru hwake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22