bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 7
1 Kings 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
1
Soromoni akazvivakirawo muzinda wake. Akaita makore gumi namatatu achiuvaka akaupedza kuuvaka wose.
2
Akavaka imba yainzi Imbayesangorerebhanoni. Urefu hwayo hwaiita makumi mana emamita anamamita mana, upamhi hwayo mamita makumi maviri ane maviri kureba kwayo kuenda mudenga ina mamita gumi namatatu ane masendimita makumi mashanu. Yaiva yakavakwa nemitsara mina yemhanda dzomuti womusidhari, mapango omusidhari akatandarikwa pamhanda idzi.
3
Dzimba dziya dzaiva pamusoro pemhanda makumi mana ane shanu, mumutsara woga woga muine mhanda gumi neshanu, dzakanga dzakawarikwa mapango omusidhari.
4
Yaive nemitsara mitatu yamafuremu emahwindo, mahwindo acho akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu.
5
Magwatidziro emisuo yose akanga aina mativi mana akaenzana, mafuremu ose amahwindowo akanga aine mativi mana akaenzana. Mahwindo acho akanga akatarisana ari pamba yenhurikidzwa ine nhurikidzwa nhatu.
6
Akavakawo zimba rainzi Imba yemhanda. Urefu hwayo hwaiita mamita makumi maviri namaviri, upamhi hwayo huri gumi ramamita rina mamita matatu ana masendimita makumi mashanu. Kumusuo kwayo, usati wapindamo, yaiva nakamba kepamusuo kane berere.
7
Akavaka rimwe zimba mainzi muDare maaitongera, ndomaiva muDare imomo. Yakanga yakanzi chechetere nomusidhari kubvira pauriri hwayo kusvikira panoperera chengo.
8
Dzimbahwe, imba yake chaiyo yokugara, yaiva munzvimbo yeseri kwezimba reDare yakanga iine muvakirwo mumwechetewo. Soromoni akavakirawo mukunda waFarao waakaroora, imba yakafanana nezimba irori.
9
Dzose idzodzi dzakanga dzakavakwa namabwe anokosha aiva akavezwa nomwero wakatemwa achiita zvokunyatsochekwa nasaha amatombo kunze nomukati, kubvira paugaro hwemba iyoyo kusvikira kunoperera chengo, kubvirawo kunze kusvikira munhandare huru.
10
Ugaro hwemba iyi hwakanga huri kwemazibwe makuru kwazvo, mamwe aiva nemamita matatu ana masendimita makumi mashanu kureba mamwe aine mamita mana.
11
Pamusoro pahwo paiva namabwe anokosha akaita zvokuvezwa zviri pamwero Wakatemwa, painewo mapango omusidhari.
12
Nhandare huru yaiva nechengo chemitsara mitatu yamabwe akavezwa kuitenderera, nomutsara mumwechete wamapango omusidhari. Ndozvakanga zvakaitawo nhandare yomukati yemba yaTenzi nekamba kapamusuo.
13
Mambo Soromoni akatumira shoko kundodaidza Hiramu kuTire, akabva auya.
14
Akanga ari mwanakomana wechirikadzi yedzinza rokwaNafutari. Baba vake vaiva munhu wokuTire webasa rendarira. Vaiva munhu azere noungwaru nokunzwisisa noumhizha hwebasa rose zvaro rendarira. Hiramu akauya kuna Soromoni akasvikomuitira basa rake rose.
15
Akagadzira misimboti miviri yendarira. Mumwechete waiva mamita masere kureba uri mamita matatu ane masendimita makumi matatu kufuta uine mhango pakati kukobvuka kwawo kuine upamhi hweminwe mina. Musimboti wechipiri wakanga wakangofananawo nawo.
16
Akagadzirawo zvepamusoro payo zviviri zvendarira achiita zvokuinyungurutsa, zvokushongedza pamusoro pemisimboti iyoyo. Kukwira mudenga, urefu hwezvepamusoro zvacho chimwe nechimwe hwaiva mamita maviri ane masendimita makumi maviri.
17
Akagadzirazve necheni mambure maviri anenge sefa okushongedza nawo zvepamusoro pemisimboti iyi achiti pamusimboti uyu mhaswa nomwe, pamusimboti uyu mhaswa nomwe.
18
Saizvozvo akagadzirira misimboti iyi mitsara miviri yezvinenge michero yamapomegiraneti kutenderera mambure acho achishongedza zvimwechetezvo zvepamusoro pemusimboti iyi yose iri miviri.
19
Zvepamusoro zvacho zvakanga zviri pamusoro pemisimboti iyi yaiva pamberi pekamba kapamusuo zvaiva zvakaitwa samaruva amahapa zvichiita mita rimwechete rina makumi masere amasendimita kureba.
20
Pane zvinhu zviya zvepamusoro pemisimboti iyi uyewo napamwe pakanga pakafutumara kuitenderera; munyasi memambure aye aye paiva namapomegiraneti mazana maviri akanga ari mumitsara miviri kuitenderera ndozvakanga zvakaita zvinhu zviye zvepamusoro pacho zvose zviri zviviri.
21
Akamisa misimboti iyoyi pamberi pekamba kepamusuo weTemberi. Akamisapo musimboti nechokumaodzanyemba kwepo akautumidza zita rokuti Jakini, akamisawopo musimboti nechokuchamhembe akautumidza zita rokuti Bhoazi.
22
Pamusoro pemisimboti yacho iyi paiva pakaitwa samaruva ejongwe. Saizvozvo basa rokugadzira misimboti rakabva rapera.
23
Akagadzira zibhavhu ziguruguru kwazvo noutare hwaakaita zvokunyungurutsa. Rakanga rakatenderera richiita mamita mana ana masendimita mana kubva pamuromo kuyambuka kune mumwe muromo. Udzamu hwaro hwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwaro huchiita mamita mana ana masendimita makumi mana. Kuritenderedza rose raiita mamita gumi nematatu ana masendimita makumi maviri.
24
Nechepasi pomupendero waro pakanga pakaitwa zvinenge mapudzi zviri makumi maviri pamita yoga yoga. Zvainge mapudzi izvi zvakanga zvakaita zvokuumbirwa pazibhavhu iri pamwechete naro parakagadzirwa zviri mumitsara miviri.
25
Rakanga rakagara pahandira gumi nembiri, nhatu dzacho dzakaringira kuchamhembe, dzimwe nhatu dzakaringa kumadokero dzimwe dzacho nhatu dzakaringira kumaodzanyemba, dzimwewo nhatu dzakaringa kumabvazuva, shure kwadzo dzose kwakanga kuri nechomukati, zibhavhu iri riri pamusana padzo.
26
Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sechanza. Mupendero waro wakanga wakaita somupendero wekapu, seruva ramahapa. Zibhavu iri raipinda mazana maviri amadhiramu ane madhiramu makumi matanhatu namaviri emvura.
27
Hiramu akagadzirawo nendarama mitumbi yengoro gumi. Mutumbi woga woga wakanga uchiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere kureba, upamhi hwacho huchiitawo mita rimwechete rina masendimita makumi masere urefu hwacho kuenda mudenga hwaiva mita rimwechete rina masendimita makumi matatu.
28
Magadziriro akanga akaitwa mitumbi yengoro idzi ndaaya: yaiva namapanga okumisa endarira. Pakati pamapango iwayo pakaiswa marata endarira.
29
Pamarata iwayo akanga akaiswa pakati pamapango okumisa acho, pakanga pakaitwa mifananidzo yeshumba neyehandira neyezvimwe zvisikwa zvinonzi makerubhu. Pamusoro pamapango okumisa pari pamusoro nepasiwo peshumba nehandira dziye paiva nounyerekete hwomurongorongo wamaruva.
30
Ngoro imwe neimwe yaiva namavhiri mana nemitanda yendarira. Ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu. Mumakona ayo maiva nezvokutsigira bhavhu. Zvokutsigira nazvo izvi pazvakaitwa noutare hwokunyungurutsa zvakaumbwa zviine tumirongorongowo twazvo twamaruva mativi ose.
31
Muromo wemaraigadzikirwa waiva uchiita masendimita makumi mashanu udzamu. Muromo iwoyo wakanga wakatenderera sezvainge zvakangoitawo pasi pechigadzikiro ichi. Kubvira pamuromo wacho kusvikira pasi pagaro racho paiita masendimita makumi manomwe ana mashanu. Kumuromo kwacho kwakanga kwakanyatsonyorwapo zvimwe zvokushongedza. Marata aya engoro akanga aina mativi mana akaenzana aiva asiri madenderedzwa.
32
Mavhiri mana aya akanga ari nechepasi pamarata aya. Mitanda yacho yemavhiri adzo yaiva yakabatanidzwa nemitumbi yengoro idzi. Upamhi hwevhiri rimwechete hwaiva huchiita masendimita makumi manomwe namashanu.
33
Mavhiri iwayo akanga akagadzirwa semavhiri engoro dzehondo. Mitanda yacho namavhiri acho nezvipokisi zvawo namadura acho zvaiva zvakaumbwa noutare hwokunyungurutsa.
34
Makanga muine zvokutsigira zvina mumakona mana engoro imwe neimwe. Zvokutsigira izvozvi zvaiva zvakabatana nengoro idzi.
35
Pamusoro pengoro yoga yoga paiva nebhande rakaitenderera richiita masendimita makumi maviri ana maviri kureba. Pamusoro pengoro mbariro dzayo namarata ayo zvakanga zvakangobatana kuita chinhu chimwechete nayo.
36
Pakapamhama pembariro napamarata napose paiwanika kanzvimbo, akaita mifananidzo yemakerubhu neyeshumba neyemiti yemirara nounyerekete hwomurongorogo wamaruva kuitenderera.
37
Ndomugadziriro waakaita ngoro idzi dziri gumi. Dzose idzodzi dzakaforomwa muforoma dzimwechetedzo dziine mwero mumwechete dzakangoitawo zvimwechetezvo.
38
Akagadzirawo mabhavhu gumi endarira. Bhavhu rimwe nerimwe raipinda madhiramu mashanu emvura. Bhavhu roga roga raiita mita rimwechete rina masendimita makumi masere upamhi. Dziri gumi kudaro, ngoro yoga yoga yaiva nebhavhu rayo.
39
Akandomisa ngoro shanu kumaodzanyemba kwemba yacho iyi, akandomisawo dzimwe shanu kuchamhembe kwemba iyoyo, akaisawo zibhavhu ziguruguru riye kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwemba iyoyo.
40
Hiramu akagadzirawo mapoto nefoshoro namadhishi. Saizvozvo Hiramu uyu akapedza basa rose ramambo Soromoni repamba paTenzi.
41
Akagadzira misimboti miviri nezvinhu zviviri zvaiva zvakafutumara zvapamisoro yemisimboti iyi, kwouya mambure maviri okushongedza pazvinhu zviya zvaiva pamisoro yemisimboti iyi
42
uye zvainge michero yemapomegiraneti mazana mana zvokuisa pamambure aya maviri, mumbure woga woga uine mitsara miviri yemapomegiraneti zvokushongedza pazvinhu zviya zviviri zvakafutumara zvepamisoro pemisimboti,
43
kwouyawo ngoro gumi namabhavhu adzo gumi,
44
kwozouya zibhavhu ziguruguru riye nehandira gumi nembiri dzaiva pasi paro.
45
Mapoto nefoshoro namadhishi, midziyo yose iyi yomumba maTenzi yakagadzirirwa mambo Soromoni naHiramu yakanga iri yendarira yakanyatsokwenenzverwa.
46
Mambo akaforomera izvozvi mubani romuna Jorodhani panzvimbo yomunyakwe iri pakati peSukoti neZaretani.
47
Soromoni haana kuera kurema kwemidziyo iyoyi pamusana pokuti yakanga yakawanda zvikuru kwazvo nezvo hapana akazokwanisa kuwana kuti ndarira yacho yairema zvakadii.
48
Soromoni akagadzira midziyo yose yaive mumba yaTenzi yaiti: atari yendarama, neteburu yendarama yechingwa chokuisa pana Mwari,
49
kwouya zvigadzikiro zvemwenje zvendarama chaiyo yakanakisisa, zvaiti zvishanu kurutivi rwokumaodzanyemba zvimwe zvishanuwo kuchamhembe tisati tapinda munzvimbo inoera yomukatikati, kwouyawo maruva namarambi nembato dzendarama,
50
kwoti makomichi nezvigero namadhishi namabisiro orusenzi namagwati okutapisa moto zvendarama chaiyo yakanakisisa, kwotiwo mahinjisi endarama amagonhi omukatikati memba iyoyi, omunzvimbo inoeresesa uyewo namahinjisi emagonhi emba yacho chaiyo, eTemberi.
51
Sokudaro basa rose rakaitwa namambo Soromoni remba yaTenzi rakapera, Soromoniwo akuya nezvinhu zvababa vake Dhavhidhi zvakanga zvakapirwa kuna Mwari zvaiti sirivha nendarama nemidziyo, akazvirongedza mumatura emba yaTenzi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22