bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 9
1 Kings 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
1
Soromoni paakapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka,
2
Tenzi akazviratidza kuna Soromoni rwechipiri sokuzviratidza kwaakamboita kuGibheoni.
3
Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi.
4
Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema sezvaiita baba vako Dhavhidhi wakatendeseka uri pachokwadi uchiita naimomo mandakati uite uchichengeta mirao nezvirevo zvangu
5
kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hwokwaIsiraeri hudzike midzi narini wose. Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo.’
6
Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira,
7
iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose.
8
Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’
9
Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
10
Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri, imba yaTenzi nomuzinda wamambo,
11
Hiramu mambo weTire awanisa Soromoni zvose zvaaida mapango omusidhari neemusaipurasi nendarama; mambo Soromoni akapa Hiramu maguta makumi maviri mudunhu reGarireya.
12
Asi pakabva Hiramu kuTire achiuya kuzoona maguta aakanga apiwa naSoromoni haana kufadzwa nawo.
13
Naizvozvo akati, “Nhai hama yangu maguta awandipa aya maguta erudzii? Ipapo kusvikira pari nhasi dunhu iroro rinonzi Kabhuru.”
14
Hiramu akanga atumira mambo Soromoni ndarama inopfuura zviuru zvina zvemakirogiramu.
15
Iyi ndiyo nhoroondo yebasa rechibharo chakaitwa namambo Soromoni kuitira kuti avake imba yaTenzi nomuzinda wake nechimudhuri chemavhu norusvingo rweJerusaremu, neHazori neMegidho neGezeru.
16
Zvakanga zvaitika kuGezeru ndezvokuti Farao mambo weIjipiti akanga akwirako akarikurira ndokuripisa nemoto akauraya vaKanani vaigaramuguta imomo ndokuripa mukunda wake mudzimai waSoromoni sechipo chokuenda nacho kwaakaroorwa
17
ndokusaka Soromoni akavakazve Gezeru. Akavakawo guta reBhetihoroni rezasi racho
18
neBhaarati neTamari kurenje munyika yokwake
19
uye maguta ake ose amatura namaguta engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga.
20
Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pavaAmoni nevaHiti navaPerezi nevaHivhi nevaJebhusi,
21
zvizukuru zvakazosara zvovapo munyika imomo mushure mavo vasina kukwanisa kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa naSoromoni muuranda hwechibharo, ndozvavari nanhasi uno.
22
Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda. Ndovaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vehondo navakuru vakuru vemungoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo.
23
Ivava ava ndivo makurukota makuru aitungamirira basa raSoromoni iri, vari mazana mashanu ane makumi mashanu avanhu vokuona kuti vanhu vechirudzi ava vari kuita basa racho zvakadii.
24
Soromoni akatozovaka chimudhuri chamavhu chacho, mukunda waFarao atobva kuguta raDhavhidhi akwira kuenda kumba yake yaakanga avakirwa naSoromoni.
25
Soromoni aigaropira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana katatu pagore paatari yaakavakira Tenzi achipirawo rusenzi kuna Tenzi. Ndokupedza kwaakaita kuvaka imba yaTenzi.
26
Mambo Soromoni akagadzira chitsama chengarava kuEzionigebheru pedyo nokuEroti kumahombekombe kwe Gungwadzvuku kunyika yeEdhomu.
27
Hiramu akatumirawo nengarava idzi machinda ake akanga ari vanhu vomugungwa, nyanzvi dzezvokufamba mugungwa kuenda pamwechete namachinda aSoromoni.
28
Vakaenda kuOfiri vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvina. Izvozvi izvi vakauya nazvo kuna mambo Soromoni.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22