bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 15
1 Kings 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 16 →
1
Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhiyamu akava mambo wokwaJudha.
2
Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi vaMaaka mwana waAbhisharomu.
3
Akatevera nzira yezvitadzo zvose zvababa vake zvavakaita iye asati avapo, asingatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose semwoyo waiva navasekuru vake Dhavhidhi.
4
Asi pamusana paDhavhidhi, Tenzi, Mwari wake akamupa kamoto kanoramba kachibvira muJerusaremu nokumupa mwana mukomana mushure make kuitira kuti Jerusaremu idzike midzi
5
nokuti Dhavhidhi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asingambotsauka kune zvose zvaakanga amutemera kuita upenyu hwake hwose kusiya chete panyaya iya yaUriya muHiti.
6
Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu.
7
Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiyamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hondowo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu.
8
Abhiyamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake.
9
Mugore rechimakumi maviri rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Asa akava mambo wokwaJudha.
10
Akatonga kwamakumi mana amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Maaka mwana waAbhisharomu.
11
Asa uyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa navasekuru vake Dhavhidhi.
12
Akadzinga munyika iyi varume vezvoupombwe hwaiitwa mukunamata akabvisa zvifananidzo zvokunamata zvose zvakanga zvagadzirwa nababa vake.
13
Akabvisawo amai vake vaMaaka pachinzvimbo chouhosi nokuti vakanga vagadzira chimufananidzo chokunamata chakanyangara kwazvo chokumiririra Ashera mwari wechikadzi. Asa akatema chimufananidzo chavo akachipisa kukakova keKidhironi.
14
Chete akarega nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziripo. Chakanga chiripo chete ndechokuti, Asa aitevera Tenzi nomwoyo wose upenyu hwake hwose.
15
Akaunza zvinhu mumba yaTenzi zvakanga zvateketererwa kuna Mwari nababa vake nezvaakanga ateketerera kuna Mwari iye pachake, zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo.
16
Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose.
17
Bhaasha mambo wokwaIsiraeri akakwira kundorwisa vokwaJudha akabva avakirira guta reRama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako.
18
Asa akatora sirivha yose nendarama yakanga yasiyiwa paupfumi hwemba yaTenzi nehwomumuzinda wamambo akapa makurukota ake. Mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, muzukuru waHezioni, mambo weSiria aigara muDhamasikusi achiti,
19
“Ngatiitei chibvumirano imi neni sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumira chipo icho chendarama nesirivha. Imi moendawoka muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.”
20
Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri akakurira Iyoni neDhani neAbherobhetimaaka neKineroti yose nenyika yose yokwaNafutari.
21
Bhaasha paakazvinzwa akabva aregedza kuvakirira Rama akandogara kuTiriza.
22
Mambo Asa akatumira vose vokwaJudha chirevo pasina aisara kuti vatakure mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa naBhaasha. Mambo Asa akandovaka nazvo Gebha kwaBhenjamini neMizipa.
23
Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa nougamba hwake nezvinhu zvose zvaakaita uye maguta aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Chaingovapo chete ndechokuti akwegura akaita chirwere chomutsoka.
24
Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta ravasekuru vake VaDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoshafati ndiye akazotonga panzvimbo pake.
25
Nadhabhu mwanakomana waJerobhoamu akatanga kutonga kwaIsiraeri mugore rechipiri rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri.
26
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, akatevera mugwara rababa vake nechitadzo chavo chavakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
27
Bhaasha mwanakomana waAhiya wedzinza rokwaIsakari, akamupandukira. Bhaasha akamuuraya kuGibhetoni guta revaFirisitia sezvo Nadhabhu nevokwaIsiraeri vakanga vakakomba Gibhetoni.
28
Nokudaro Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndiye akazotonga panzvimbo pake.
29
Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro.
30
Izvozvi izvi zvakauyiswa nezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu nokupinza kwaakaita vokwaIsiraeri muchitadzo uyewo pamusana pokushatirisa kwaakaita Tenzi, Mwari weIsiraeri.
31
Inga dzimwe nyaya dzezvaNadhabhu nezvinhu zvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri.
32
Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose.
33
Mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha Bhaasha mwanakomana waAhiya akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mana.
34
Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevera mugwara raJerobhoamu nechitadzo chake chaakapinza nacho vokwaIsiraeri mukutadza.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22