bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 18
1 Kings 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
1
Shure kwamazuva akawanda, shoko raTenzi rakauya kuna Eriya mava mugore rechitatu richiti, “Chienda uchindozviratidza kuna Ahabhu, ini ndichazonayisa mvura panyika.”
2
Saizvozvowo Eriya akandozviratidza kuna Ahabhu. Nzara yakanga zvino yatsviriridza muSamaria.
3
Ahabhu akadaidza Obhadhiya mukuru mukuru wepamuzinda. Zvino Obhadhiya aiva munhu aitya Tenzi zvikuru kwazvo.
4
Nokudaro Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi, Obhadhiya akatora vaporofita zana akavahwandisa mumapako vachiti umu makumi mashanu umu makumi mashanu achipota achivapa chingwa nemvura.
5
Ahabhu akati kuna Obhadhiya, “Wochifamba nenyika ino kumatsime ose nomumapani ose zvimwe tingawane pachine mafuro tikararamisa mabhiza namanyurusi tirege kurasikirwa nezvimwe zvipfuwo.”
6
Pauviri hwavo vakabvawo vapana mativi enyika iyi okundomema. Ahabhu akaenda nokwake ari oga, Obhadhiya akaendawo nokwake ari oga.
7
Vakati zvino Obhadhiya ava munzira, ndiye mahwekwe naEriya, Obhadhiya ndokumuziva ndokubva ati nouso pasi gwadagwa akati, “Ndiwe here chokwadi Eriya changamire?”
8
Akamudaira achiti, “Ndini zvangu. Iwe chienda undotaurira tenzi wako kuti Eriya uya ari pano.”
9
Iye akati, “Chandakatadza chaizvo chii kundiisa zvenyu ini muranda wenyu mumaoko aAhabhu kuti ndiurayiwe?
10
NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, changamire vangu yavasina kutumira vanhu vokukutsvakai. Kana paine vaiti haako kuno, kwaitoita munhu weko aitopika nemhiko akamiririra rudzi irworwo kuti havana kukuwanai.
11
Zvino imi ndopomonditi, ‘Enda utaurire vatenzi vako kuti Eriya uyu ari pano.’
12
Pandinongoti ibvei pano pamuri Mweya waTenzi unokutututsirai kumwe kwandisingamboziva zvangu ndinozosara zvangu ndotaurira Ahabhu wokushayai pano, anondiuraya kunyange zvazvo ini muranda wenyu kubvira paudiki hwangu ndanga ndichingova munhu anotya Tenzi.
13
Zvandakaita hamusati mazvinzwa here zvokuti Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi ini ndakahwandisa vaporofita zana vaTenzi mumapako, ndichivati umu makumi mashanu, umu makumi mashanu ndichivapa chingwa nemvura?
14
Zvino imi ndopamungati, ‘Enda utaurire vatenzi vako’ kuti, ‘Eriya uya ari pano’ anondiuraya uye.”
15
Eriya ndokuti, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu wehondo nehondo wandinonamata kuti ndichatozviratidza chete kwaari iye nhasi uno.”
16
Ipapo Obhadhiya akandoonana naAhabhu akamutaurira, Ahabhu akandoonanawo naEriya.
17
Ahabhu paakaona Eriya, Ahabhu uyu akati kwaari, “Ndiwe here mutambudzi weIsiraeri?”
18
Eriya akati, “Ini handisirini mutambudzi weIsiraeri, asi kutoti iyemi nevemba yababa venyu nokuti makakanda pasi mitemo yaTenzi mukanamata vana Bhaari.
19
Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.”
20
Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero.
21
Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura.
22
Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu.
23
Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto.
24
Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.”
25
Eriya akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvisarudzirai handira mutange ndimi kudaro nokuti makawanda, modaidzira nezita kuna mwari wenyu asi musatungidzepo moto.”
26
Vakatora handira yavakanga vapiwa vakaigadzirira vakadaidzira nezita kuna Bhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati vachiti, “Bhaari we-e tidaireiwo!” Asi hapana chakambonzwika kana kuwana akadaira. Vakayavaya kutamba vachitenderera atari yavakanga vavaka.
27
Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.”
28
Ivo vakazhambatatawo maererano netsika yavo vakazvicheka-cheka namapakatwa nezvisvo kudzamara ropa royerera nomuviri wavo.
29
Zuva rakarereka vachingopengereka kusvikira panguva yokupira chibayiro asi hapana chakambonzwika kana kuwana akapindura kana akambozviteerera.
30
Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa.
31
Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.”
32
Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa.
33
Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.”
34
Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.”
35
Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura.
36
Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu.
37
Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.”
38
Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero.
39
Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.”
40
Eriya akavati, “Batai vaporofita vaBhaari. Musarege kunyange nomumwe chete wavo achipunyuka.” Vakavabata, Eriya akadzika navo kukakova keKishoni akavaurayira ikoko.
41
Eriya akati kuna Ahabhu, “Chikwirai zvenyu mundodya nokunwa nokuti kune kuwunga kwemvura yomudenga zhinji kwazvo.”
42
Saizvozvowo Ahabhu akakwira zvake kundodya nokunwa, Eriya akakwirawo pamusoro peGomo reKarimero. Akati pasi gwadagwa uso huri pakati pamabvi.
43
Akati kune aimushandira, “Chikwira utarise kugungwa.” Iye akakwira akatarisako akati, “Hakuna chiriko.”
44
Iye akati, “Endako kanomwe.” Kechinomwe kacho akati, “Kuri kuoneka kakore kanenge chanza chomunhu kari kukwira kachibuda mugungwa.” Iye ndokuti, “Chikwira kuna Ahabhu undoti, sungai ngoro dzenyu dzehondo mutodzika zvenyu mungadaro mukadzivirirwa nemvura.”
45
Nenguva shoma shoma matenga akasviba kuti ndo-o namakore nemhepo mvura ikapurana kwazvo kunaya. Ahabhu akati mungoro kata ndokubva aenda kuJezirieri.
46
Simba raTenzi rakava naEriya; akakunya hanzu dzake muchiuno akamhanya ari pamberi paAhabhu kusvikira tava kundopinda muJezirieri.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22