bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 21
1 Kings 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Mushure maizvozvi chakazoitikawo ndechokuti, mumwe murume womuJezirieri ainzi Nabhoti aiva nomunda wemagirepisi muJezirieri imomo wakanga wakaganhurana nomuzinda waAhabhu mambo weSamaria.
2
Ahabhu akazoti kuna Nabhoti uyu, “Munda wako zvauri pedyo nomuzinda wangu, dai wandipa munda iwoyo ndachiuita munda wangu womuriwo ndigokupa mumwe munda wemagirepisi wakapinda iwoyu kunaka, kana wada ndokupa iri mari yokuutenga.”
3
Asi Nabhoti ndokuti kuna Ahabhu, “Tenzi ngaandibatsire. Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.”
4
Ahabhu akapinda mumuzinda make atsamwa ashatirwa pamusana pemhinduro yaakapiwa naNabhoti wokuJezirieri nokuti akanga ati, “Hazvingamboitika kuti ndikupei nhaka yamadzibaba angu.” Ndokubva andoti pamubhedha wake bhi-i kurara akatarisa rutivi ndokuramwa zvokudya.
5
Asi mukadzi wake Jezebhero akaenda paari akamuti, “Ko kutsamwa kudai zvaita sei? Kubva matoramwa chokudya!”
6
Ahabhu akamupindura achiti, “Ndataura ini naNabhoti uyu womuJezirieri muno. Ndokumuti nditengesere munda wako nemari. Kana kuti ndokupa mumwe munda wemagirepisi kana uchida. Nabhoti anditi, ‘Handikupei munda wangu.’ ”
7
Mudzimai wake Jezebhero akamuti “Muchiri kutonga Isiraeri iyemi? Timukirei zvedu apa mudye zvokudya, mwoyo wenyu usununguke. Ndichakupai ini munda wemagirepisi iwoyo waNabhoti womuJezirieri muno.”
8
Ipapo mukadzi uyu akanyora tsamba muzita raAhabhu ndokudzidhindha nechidhindho chake iye Ahabhu. Akatumira tsamba idzodzo kuvakuru vakuru nokune vokumba huru vakanga vagere kumwechete naNabhoti muguta rokwako.
9
Mutsamba idzodzi akanyora kuti, “Itii vanhu vatsanye muti Nabhoti agare mberi kwevanhu,
10
mugarisewo mamwewo madzenga maviri pakadarowo apo akatarisana naye amupomere mhosva achiti, ‘Nabhoti akashora Mwari akashorawo mambo. Munozobuda naye kunze momutema namabwe afe.’ ”
11
Varume vomuguta rokwake navakuru vakuru nevokumba huru vaigara muguta rokwake iri vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJezebhero. Saizvozvowo sokunyorwa kwazvakanga zvakaita mutsamba dzavakatumirwa nomukadzi uyu,
12
vakati vanhu vatsanye vakagarisa Nabhoti mberi kwevanhu.
13
Madzenga maviri aya akapinda akagara akatarisana naye. Madzenga aya akapomera Nabhoti mhosva vanhu vachinzwa achiti, “Nabhoti akashonha Mwari, akashora mambo.” Ndokubva vamuburitsa kunze kweguta vakamutema namabwe akafa.
14
Vakavatumira shoko kuna Jezebhero rokuti, “Nabhoti atemwa namatombo afa.”
15
Jezebhero akati achinzwa kuti Nabhoti akatemwa namabwe akafa, Jezebhero akati kuna Ahabhu, “Chisimukai zvenyu mundotora munda wemagirepisi waNabhoti womuJezirieri muno waakaramba kukupai kukutengeserai nemari.”
16
Ahabhu paakangonzwa kuti Nabhoti afa, akasimuka ndokudzika kumunda uya waNabhoti womuJezirieri imomo kundoukambira.
17
Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti,
18
“Simuka udzike undosangana naAhabhu mambo wokwaIsiraeri ari kuSamaria. Kutaura kuno ari mumunda waNabhoti waaenda kundokambira.
19
Unofanira kumuudza kuti zvanzi naTenzi, ‘Waurayaka munhu iwe ukakambira munda wake?’ Umutaurire kuti zvanzi naTenzi, ‘Panzvimbo iyoyo pananzwa ropa raNabhoti nembwa, imbwa dzichananzwawo ropa rako.’ ”
20
Ahabhu akati kuna Eriya, “Heya muvengi wangu wandiwana panoka iwe!” Iye akapindura achiti, “Heeka ndakuwanikidzai, matozvitengesaka izvozvi nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
21
Chinzwa, ndava kutoita kuti iwe uwirwe nenhamo ndikutsakatise ndipedze muIsiraeri nokuuraya munhurume wose womumba mako iwe Ahabhu, muranda kana asiri muranda.
22
Imba yako ndichaiita hwemba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati uye hwemba yaBhaasha mwanakomana waAhiya pamusana pokundivirutsa nehasha kwawakaita uyewo nokuparisa kwawakaita Isiraeri chitadzo.”
23
Tenzi akataurawo nezvaJezebhero achiti, “Imbwa dzichadya Jezebhero munharaunda yomuJezirieri muno.
24
Munhu ari wose zvake wokwaAhabhu anofira muguta, achadyiwa nembwa; nouyowo anofira musango, achadyiwa neshiri dzedenga.”
25
Hakuna mumwe munhu akambozvitengesa nokuita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi saAhabhu achirunzirwa nomukadzi wake Jezebhero.
26
Akaita zvinosemesa kwazvo zvokuteveredza zvifananidzo zvokunamata sezvaimboitwa nevaAmori vaya vanyakudzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
27
Pakanzwa Ahabhu mazwi aya, akabvarura hanzu dzake akapfeka pamuviri masaga ndokutsanya orara zvino akapfeka masaga ongomhemhaira kufamba akati una una kuzvirereka.
28
Shoko raTenzi rakauya kuna Eriya wokuTishibhi richiti,
29
“Waonawo here kuzvirereka kwandava kuitirwa naAhabhu? Pamusana pokuzvirereka uku kwaaita kwandiri, nhamo iya handichaiunza pamazuva oupenyu hwake, asi ndichaunza nhamo yacho mumba make pamazuva emwanakomana wake.”
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22