bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 13
1 Kings 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
1
Ndiye munhu waMwari nepo vhu achibva kwaJudha neshoko raTenzi. Izvozvo Jerobhoamu akanga amire padyo neatari kuti achipisa rusenzi.
2
Murume uyu akadaidzira kuatari iyoyi namazwi aakafemerwa naTenzi achiti, “Atari, iwe atari, zvanzi naTenzi, chinzwa kuchaberekwa mwana mukomana womumba yokwaDhavhidhi ane zita rokuti Josiya. Iyeyo achapira pauri iyewe sezvibayiro vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vachipisa rusenzi pauri. Vachapisa pauri iwe mapfupa avanhu.”
3
Akabva apa chiratidzo musi wakarewo achiti, “Hechinoi chiratidzo chinoratidza kuti Tenzi ndiye azvitaura. Teererai munzwe, atari iyoyi iyi ichakoromorerwa pasi, rota riri pairi iri richakuhumurirwa pasi.”
4
Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvaitaurwa nomunhu waMwari nezveatari yapaBhetieri, akatambanudza ruoko kumunongedza ari paatari ipapo achiti, “Batai munhu uyo.” Ruoko irworwo rwaakatambanudza kunongedza rwakabva rwati papata kuoma zvokuti haana kukwanisa kurugonyesa.
5
Atariwo yakabva yati pasi tsetsemu tsemu tsemu. Rotawo raiva paatari ndiye pasi ririri maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari sokufemerwa kwaaiva aitwa naTenzi.
6
Mambo ndokuti kumunhu waMwari, “Ndateterera ndikumbirireiwo kuna Tenzi, Mwari wenyu mundinamatirewo kuti ndiporeswe ruoko rwangu.” Munhu waMwari akakumbira kuna Tenzi, mambo akaporeswa ruoko rwake ndokubva rwaita sezvarwakanga rwakaita kare.
7
Mambo akati kumunhu waMwari, “Uyai tiende tose kumba muwane chokumboti mudzore mwoyo ini ndigokupaiwo kachipo kangu.”
8
Munhu waMwari akati kuna mambo, “Kunyange zvenyu mukandikamurira napakati zvemba yenyu, handiende nemi uye handisi kuzodya chokudya kanawo kunwa zvako mvura yokuno
9
nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa mvura kana kudzokera nenzira yandambofamba nayo pakuuya.”
10
Saka akaenda neimwe nzira, akarega kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBhetieri.
11
Zvino kuBhetieri ikoku kwaigara mumwe muporofita wechikuru. Mumwe mwana wake mukomana akauya akamutaurira zvose zvaiva zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBhetieri imomo, shokowo raakanga ataura kuna mambo vakaritaurira baba wavo.
12
Baba wavo vakati kwavari, “Aenda nokupi?” Vana vake vakomana vakamuratidza nzira yaakanga aenda nayo munhu waMwari aibva kwaJudha.
13
Iye akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakavasungira dhongi ndokubva vati padhongi riye karakata
14
votevera munhu waMwari uya vakamuwana agere zvake pasi pomuti womuoku. Vakamuti, “Ndimi here munhu waMwari abva kwaJudha?” Iye ndokuti, “Ndini.”
15
Ivo vakamuti, “Handei kumba mumbowana chokuisa mukanwa.”
16
Iye ndokuti, “Handikwanisi kudzokera nemi kana kuenda nemi kunyange kudya chokudya kana kunwa mvura zvayo nemi kuno uku
17
nokuti ndakanzi neshoko raTenzi ndisadye chokudya kana kunwa zvako mvura yeko kana kudzokera nenzira yandakambofamba nayo pakuuya.”
18
Vakamuti, “Ini ndiri muporofitawo semi. Mutumwa anditaurirawo shoko raTenzi achiti, ‘Dzokera naye kumba kwako kuti adye chokudya amwewo mvura,’ ” asi akanga achimunyepera zvake.
19
Nokudaro akadzokera navo akatodya mumba mavo, akatonwawo mvura.
20
Vachingunodya kudaro pateburu shoko raTenzi rakauya kumuporofita uya nyakumudzora
21
akazivisa munhu waMwari uyu aibva kwaJudha kuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Pamusana pokuti hauna kuteerera shoko raTenzi ukarega kuchengeta chirevo, nomutemo wawakapiwa naTenzi, Mwari wako,
22
ukadzoka ukatodya zvako chokudya nokunwa zvako mvura yokuno’ kunzvimbo yaakakuti, ‘Rega kudya chokudya kana kunwa mvura, nezvo chitunha chako hachichazovigwa muguva rababa vako.’ ”
23
Kuzoti apedza kudya chokudya nokunwa mvura, akasungira dhongi muporofita waakanga adzora.
24
Iye akaenda ndokubva asangana neshumba panzira ikamuuraya, chitunha chake ndokunzi panzira ipapo rabada. Dhongi neshumba ndokumira zvazvo pedyo nechitunha chacho.
25
Ndokubva vamwe vanhu vaipfuura nepo vaona chitunha chiya chakati rapata munzira. Shumbawo yakati mbikiti zvayo kumira pedyo nechitunha. Vakasvika vakataura izvozvi muguta maigara muporofita wechikuru uya.
26
Muporofita uya, nyakumbomudzora munzira paakazvinzwa akati, “Munhu waMwari uya chete asina kuteerera shoko raTenzi. Naizvozvo ndokusaka Tenzi akamuisa mukanwa meshumba yakamubvambura ikamuuraya sokutaura kwaita Tenzi.”
27
Akati kuvana vake, “Ndisungirei dhongi.” Vakabva vari sunga.
28
Akaenda ndokuwanawo chitunha chakati munzira rapata, dhongi neshumba zvakangotiwo mbikiti zvazvo kumira pedyo nechitunha chacho. Shumba haina kudya chitunha kana kubvambura dhongi.
29
Muporofita uyu akasimudza chitunha chomunhu waMwari ndokuchiisa padhongi odzokera nacho muguta rake iye muporofita wechikuru uya kundomuchema nokumuvigamo.
30
Akaviga chitunha muguva rake iye pachake. Vakamuchema vachiti, “Munun'una wangu maiwe!”
31
Kuzoti amuviga akarongera vana vake kuti, “Kana ndafa ndivigei muguva rakavigwa munhu waMwari. Mapfupa angu muaradzike pedyo namapfupa ake.
32
Chandadariro ndechichi chokuti shoko raTenzi raakazivisa nezveatari iri muBhetieri muno nezvaakareva nezvedzimba dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziri mumaguta eSamaria zvinofanira kutoti zviitike.”
33
Mushure maizvozvi Jerobhoamu haana kukanda pasi uipi hwake. Akadzokera makare mukupa vanhuwo zvavo basa roupristi hwenzvimbo dziya dzakatunhumara dzokuteurira achitoteketerera zvake kuna Mwari munhu wose wose ainge angodawo zvake kuti ave mupristi wenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira.
34
Izvozvi zvakava chitadzo mumba yaJerobhoamu zvokutoiparadza nokutoitsakatisa pasi pano.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22