bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Kings 14
1 Kings 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
1
Panguva iyoyo Abhiya, mwana waJerobhoamu mukomana, akarwara.
2
Jerobhoamu akataurira mukadzi wake kuti, “Dai mukachizvivanziridza kuti vanhu varege kukuzivai kuti ndimi mudzimai waJerobhoamu, musimuke muende kuShiro. Ikoko kuna Ahiya muporofita akafanonditaurira kuti ndichava mambo wavanhu ivava.
3
Muigireiwo gumi rezvingwa notupapata nechirongo chouchi. Iye achakuzivisai zvichazoitika kumwana.”
4
Mudzimai waJerobhoamu akaita saizvozvo ndokusimuka oenda kuShiro akasvikopinda mumusha waAhiya. Izvozvo Ahiya akanga asisakwanisi kuona nokuti maziso ake aiva oonera madzerere nokukwegura kwaakanga aita.
5
Tenzi akanyevera Ahiya achiti, “Chinzwa, mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzobvunza nezvomwana wake mukomana nokuti ari kurwara. Unomuudza zvokuti nezvokuti. Mukadzi uyu paachapinda muno achazvivanziridza achizviita sokungewo mumwe mukadzi zvake.”
6
Kuzoti Ahiya paakanzwa mutsindo wake achipinda kumusuo akati, “Pindai zvenyu vadzimai vaJerobhoamu. Seiko muchizviita sokunge mumwewo mukadzi asirimi? Nyaya yandanzi ndikunyeverei yakaomarara kwazvo.
7
Endai mundotaurira Jerobhoamu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuti ndakakukwidziridzaka iwe mukati mavanhu ava ndikakuitaka mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri
8
ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda.
9
Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi.
10
Saka zvino, chinzwa, ndichapinza imba yaJerobhoamu munyatwa. Vanhurume vose vokwaJerobhoamu ndichavapedza nokuuraya, vose zvavo vokumba huru kana varanda muIsiraeri muno. Imba yaJerobhoamu ndichanyatsoitsakatisa kuti nho somunhu ari kupisa ndove zvokusara pasisina.
11
Munhu ari wose zvake wokwaJerobhoamu anofira muguta achadyiwa nembwa, nouyowo anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga nokuti Tenzi ndiye azvireva.’
12
“Chisimuka uende zvako kumusha kwako. Paunongoti pindei muguta mukomana iyeyo anobva afa.
13
Isiraeri yose ichamuchema yomuviga nokuti iyeye chete ndiye wokwaJerobhoamu achaiswa muguva pamusana pokuti mumba maJerobhoamu muna iyeyu chete ndimo mune chimwe chinofadza Tenzi, Mwari weIsiraeri.
14
Chimwezve ndechichi chokuti Tenzi achazvimutsira mambo wokutonga Isiraeri achaparadza imba yaJerobhoamu. Zuva racho ndinhasi, kwete kumboti rinhi, izvozvi kutaura kuno.
15
Kubvira ipapo Tenzi acharova Isiraeri sokuzunzwa kunoitwa rutsanga ruri mumvura agotipura Isiraeri munyika ino yakanaka kudai yaakapa kumadzitateguru avo agovamwayanisa kumhiri kwaYufuratesi nokuti vakaita zviAshera zvokunamata vakashatirisa Tenzi.
16
Iyewo acharamwa Isiraeri pamusana pezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu zvaakaitisawo Isiraeri.”
17
Mudzimai waJerobhoamu akasimuka akabva paye akandosvika kuTiriza. Paakangoti pindei munhandare yapamusha uyu mwana ndiye sarai.
18
Isiraeri yose yakamuviga vachimuchema sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake, muporofita Ahiya.
19
Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu dzehondo dzaakarwa nomutongero wake zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzamadzimambo eIsiraeri.
20
Nguva yakatonga Jorobhoamu, makumi maviri amakore ana makore maviri akabva ovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Mwanakomana wake Nadhabhu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
21
Izvozvo Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni aitongawo kwaJudha. Rehobhoamu akatangisa kutonga ava namakumi mana amakore ane gore rimwechete. Akatonga kwamakore gumi namanomwe ari muJerusaremu guta rakanga rasarudzwa naTenzi mukati memadzinza ose avaIsiraeri kuti zita rake ariise ipapo. Amai vake vainzi Naama vechiAmoni.
22
VokwaJudha vakaitawo zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakamudenha kurwa shanje nezvitadzo zvavo zvavakange voita zvaitodarika zvose zvakamboitwa namadzibaba avo
23
pamusana pokuti vakangawo vazvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira namatombo akamiswa anomiririra vamwe vamwari nezviAshera pachikomo choga choga nomunyasi memiti yose minyoro.
24
Kwakanga zvino kwava navarume vezvoupombwe hwavaiita mukunamata. Vakaita zvose zvinosemesa zvaiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
25
Mugore rechishanu rokutonga kwamambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusaremu
26
akapamba upfumi hwomumba yaTenzi akapambawo upfumi hwomumuzinda wamambo akakukucha zvose. Nhoo dzose dzendarama dzakanga dzagadzirwa naSoromoni akadzitora.
27
Kutsiva idzodzi mambo Rehobhoamu akazogadzirawo nhoo dzendarira akadzipa kuna vakuru vakuru vokuchengetedza pasuo guru repamuzinda wamambo.
28
Nguva dzose paienda mambo kumba yaTenzi vachengetedzi ivavo vaidzipakata vachizodzidzosera mumba yavachengetedzi.
29
Inga dzimwe nyaya dzezvaRehobhoamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaJudha.
30
Hondo yakaramba ichingovapo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
31
Rehobhoamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake akavigwa pamwechete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Amai vake vainzi vaNaama vechiAmoni. Mwanakomana wake Abhiyamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22