bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 1
Acts 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Teofiro, mubhuku rangu rokutanga, ndakanyora nezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu
2
kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga. Ipapo, maiva mushure mokunge ataurira, nokuna Mweya Mutsvene, vapositori vaakanga asarudza, zvinofanira kuitwa.
3
Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari.
4
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti,
5
“Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”
6
Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?”
7
Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo.
8
Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?”
9
Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari.
10
Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena.
11
Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”
12
Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata.
13
Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti naJudhasi mwana waJemusi.
14
Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake.
15
Pamazuva iwayo Pita akasimuka pakati pevehama akataura. Gungano iroro raiva zana namakumi maviri avanhu. Akati,
16
“Hama, Magwaro Matsvene aifanira kuzadziswa akafanotaurwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi nezvaJudhasi aiva mutungamiri waavo vakandosunga Jesu.
17
Akanga ari mumwe wedu akapiwa mugove wake mubasa iri.”
18
Zvino murume uyu akatenga munda nomubayiro wouipi hwake. Akaputsika akasvikorovera pasi nouso. Vamwe vanoti akazvimba ndokubva aputika napakati ura hwose hukavhazhuka
19
zvikazivikanwa navagari vose vomuJerusaremu. Munda iwoyo wakazodaidzwa kuti Hakeridhama mumutauro wavo zvichireva kuti munda weropa
20
nokuti zvakanyorwa mubhuku reNziyo kuti, “Musha wake ngauve dongo usawane anogaramo. Basa rake routariri ngaritorwe nomumwe.”
21
Saizvozvo mumwe wavarume vaiva nesu nguva yose, Tenzi Jesu paakanga achiri nesu kutangira paruombeko rwaJohani kusvika pazuva raakatorwa akakwidzwa kudenga,
22
mumwe wavarume ivava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake.
23
Naizvozvo vakaisapo vaviri vaiti Josefi anonzi Bhasabhasi ainziwo Jusitusi naMatiasi.
24
Vakanamata vachiti, “Tenzi, muzivi wemwoyo yavanhu vose, tiratidzei pavaviri ava kuti ndiani wamunosarudza
25
kuti atore nzvimbo yapabasa iri noupositori uhu hwakasiiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.”
26
Vakavaitira chin'ange, chikabata pana Matiasi ndokubva ava mumwe wavapositori vaya gumi nomumwechete.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28