bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 18
Acts 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
1
Mushure mezvo akabva kuAteni akaenda kuKorinde.
2
Akawana mumwe muJudha ainzi Akwira, mugari wokuPondusi, akanga achangobva kuItari, nomudzimai wake anonzi Pirisira, nokuti Kiraudiusi akanga ati vaJudha vose ngavabve muRoma. Saka akaenda kundovaona
3
pamusana pokuti vaiva vebasa rimwechetero akagara akashanda navo nokuti aiita basa rimwechetero navo rokugadzira matendhe.
4
Pasabata rimwe nerimwe aitaura musinagogu achikurudzira vaJudha navaGiriki.
5
Pakasvika Sirasi naTimoti vachibva kuMasedhonia, Pauro aiva mubasa rokuparidza, achipupura kuvaJudha, kuti Mesia ndiJesu.
6
Pavakapokana naye vachimunyomba akazunza hanzu dzake akati kwavari, “Ropa renyu ngarikupfukirei! Ini mhosva handisisina. Kubvira iye zvino ndavakuenda kune vechirudzi.”
7
Akabvapo akaenda kumba komumwe ainzi Titosi Jusitusi munhu aitya Mwari. Imba yake yaiva pedyo nesinagogu.
8
Kirisipusi mukuru wapasinagogu akatenda muna Tenzi pamwechete nemhuri yake. Vazhinji vomuKorinde pavakanzwa Pauro vakatenda vakaombekwa.
9
Nohumwe usiku Tenzi akataura kuna Pauro muchiratidzo achiti, “Usatye zvako. Iwe taura chete, usanyarare
10
nokuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa zvokukuvadza nokuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.”
11
Nezvo akagaramo kwegore nemwedzi mitanhatu achidzidzisa Shoko raMwari pakati pavo.
12
Panguva yakanga Gario ari gavhuna weAkaya, vaJudha vakaita rimwe kurwisa Pauro. Vakamuunza kudare
13
vachiti murume uyu anokurudzira vanhu kunamata Mwari zvisiri pamurao.
14
Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gario akati kuvaJudha, “Dai yanga iri mhosva kana kuti kutadza kwakaipisisa, ndaiwana chikonzero chokukuitirai mwoyo murefu, vaJudha imi.
15
Zvino zvairi nyaya yokubvunza pamusoro pezvamazwi nezvamazita uye nezvomutemo wenyu, zvionerei pachenyu. Handidi kuva mutongi mune zvinhu izvi.”
16
Akabva avadzinga mudare.
17
Vose vakabata Sositeni mukuru wapasinagogu vakamurova pamberi pedare; asi Gario haana kuita hanya nazvo.
18
Mushure mezvo Pauro akagara mamwe mazuva mazhinji ndokuzoonekana nevehama. Akazoenda kuSiria nechikepe pamwechete naPirisira naAkwira. KuKenikirie akaveura vhudzi rake nokuti akanga aita mhiko.
19
Vakasvika kuEfesusi akavasiyako asi iye akamboenda musinagogu akataura kuvaJudha.
20
Pavakamukumbira kuti ambogarazve, akaramba.
21
Paakanga ava kuenda akati, “Ndichadzoka kwamuri kana Mwari achida. Akaenda nechikepe achibva kuEfesusi.”
22
Paakasvika kuSezaria akakwira akandokwazisa sangano ndokuzodzika kuAndiyoku.
23
Akati apedza chinguva ariko akasimuka akaenda munzvimbo nenzvimbo nomudunhu reGaratia nereFirigia achisimbisa vadzidzi vose.
24
Mumwe muJudha ainzi Aporosi, mugari wokuArekizandiria akauya kuEfesusi. Akanga ari nyanzvi yokutaura, munhu akanga akadzidza kwazvo Magwaro Matsvene.
25
Akanga akadzidziswa nzira yaTenzi uye nemwoyo wake wose aitaura nokudzidzisa nemazvo chaimo zvaJesu kunyange aiziva ruombeko rwaJohani chete.
26
Akatangisa kutaura nechivindi musinagogu. Pirisira naAkwira pavakamunzwa vakamutora vakamutsanangurira nzira dzaMwari nemazvo chaimo.
27
Paakada kuyambukira kuAkaya vehama vakamukurudzira vakatonyora kuna vadzidzi kuti vamugamuchire.
28
Paakasvika, akabatsira kwazvo vakanga vatenda nenyasha dzaMwari nokuti akapwisa vaJudha pachena achiratidza naMagwaro Matsvene kuti Jesu ndiye Mesia.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28