bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 16
Acts 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
Pauro akasvika kuDhebhe nokuRisitira. Ikoko kwaiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti mwana womumwe mudzimai wechiJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki.
2
Vehama vokuRisitira nevokuIkoniumu vaitaura zvakanaka nezvake.
3
Pauro aida kuti Timoti afambe pamwechete naye, nezvo akamutora akamudzingisa pamusana pavaJudha vakanga vari munzvimbo idzodzo nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.
4
Pavaipfuura nomumaguta vaivaturira zvakanga zvasungwa navapositori navakuru vakuru vaiva kuJerusaremu kuti vatevedze.
5
Naizvozvo masangano akasimbiswa muchitendero uye vatendi vaiwanda zuva nezuva.
6
Vakaenda nokunyika yeFirigia neGaratia pavakanga varambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko kuAsia.
7
Pavakasvika pakatarisana neMisia, vakaedza kupinda muBhitinia asi Mweya waJesu haana kuvabvumira.
8
Nezvo vakapfuura nepedyo peMisia vakadzika kuTiroasi.
9
Usiku, Pauro akaona chiratidzo chomunhu wokuMasedhonia akamira achimuteterera achiti, “Uyai kuMasedhonia muzotibatsira.”
10
Paakaona chiratidzo ichocho, takabva tarongedzera kuenda kuMasedhonia. Takanga taziva kuti Mwari akanga atidaidza kundoparidza Shoko Rakanaka kwavari.
11
Takatangisa rwendo rwedu nechikepe kubva kuTiroasi tikananga kuSamotirasi chaiko. Ramangwana acho takaenda kuNeaporisi.
12
Takabva ikoko tikaenda kuFiripi guta guru renyika yeMasedhonia, nyika yaiva pasi penyika yeRoma. Takagara muguta iroro kwamazuva.
13
Pazuva reSabata, takaenda kunze kwesuo guru kumahombekombe erwizi kwataifunga kuti kunzvimbo yokunamatira. Takagara pasi tikataura namadzimai akanga aungana.
14
Mumwe waavo vakatinzwa aiva mudzimai ainzi Ridhia weguta reTiatira aitengesa machira oruvara rwehute ainge ari munamati waMwari. Tenzi akazarura mwoyo wake kuti atirimuke mwoyo kune zvaitaurwa naPauro.
15
Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.
16
Patakanga tichienda kunzvimbo yokunamatira takasangana nomumwe musikana muranda aiva nemweya wokuuka. Aipfumisa varidzi vake zvikuru nokuuka ikoko.
17
Musikana uyu aitevera Pauro nesu achidaidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro vari kukuparidzai nzira yoruponeso.”
18
Akaita izvi kwamazuva mazhinji. Pauro akashatirwa nazvo akatendeuka akati kumweya uya, “Ndinokuudza muzita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Mweya uya wakabva wabuda pakarepo.
19
Zvino varidzi vake pavakaona kuti chavaivimba nacho kuwana upfumi pakanga pasisina, vakabata Pauro naSirasi vakavakwekweredzera kuvatongi, kunzvimbo yaiungana vanhu veguta iroro.
20
Pavakavaunza kuvatongi vakati: “Varume ava vaJudha uye vari kunyonganisa guta redu.
21
Vari kukurudzira tsika dzisingagamuchiriki kana kuteverwa nesu vechiRoma.”
22
Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu.
23
Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo.
24
Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda.
25
Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera.
26
Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka.
27
Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
28
Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.”
29
Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya.
30
Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?”
31
Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.”
32
Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make.
33
Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose.
34
Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari.
35
Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.”
36
Muchengeti wapajeri akasvitsa shoko kuna Pauro achiti, “Vatongi vatuma shoko rokuti muende zvenyu.” Saizvozvo chibudai muende zvenyu norugare.
37
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa.
38
Mapurisa akasvitsa shoko iri kuna vatongi. Vakatya pavakanzwa kuti, pamutemo vanhu ava vaiva vaRoma.
39
Vakauya vakakumbira ruregerero. Vakavaburitsa vakavakumbira kuti vabve muguta iroro.
40
Nokudaro vakabuda mujeri vakashanyira Ridhia. Pavakanga vaona vehama vakavakurudzira vakabva vaenda.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28