bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 9
Acts 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru,
2
akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa.
3
Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera.
4
Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?”
5
Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza.
6
Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.”
7
Varume vaaifamba navo zvakavashaisa romuromo. Vainzwa izvi asi pasina wavari kuona.
8
Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi.
9
Akaita mazuva matatu asingaoni asingadyi kana kunwa.
10
Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.”
11
Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata
12
uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.”
13
Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu.
14
Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.”
15
Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri,
16
nokuti ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika zvakadiyi pamusana pezita rangu.”
17
Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.”
18
Pakarepo zvimwe zvinenge maranga zvakadonha mumaziso ake, akagona kuonazve. Akasimuka akaombekwa.
19
Akadya akabva asimba. Sauro akagara navadzidzi kuDhamasikusi kwamazuva mazhinji.
20
Pakarepo aiparidza mumasinagogu achiti Jesu Mwanakomana waMwari.
21
Vose vakamunzwa vakakatyamadzwa vachiti, “Ko uyu haasiriye here murume uya akamutsa muchokoto muJerusaremu kuna vavo vanodaidza zita iri uye ndozvaavinga kuno kuti aende navo vakasungwa kuvaPristi vakuru?”
22
Simba raPauro rakaramba richingowedzera, vaJudha vaigara muDhamasikusi vakazvishaira pazvo avakuratidza pachena kuti Jesu ndiye Mesia.
23
Mushure memazuva mazhinji vaJudha vakapangana kumuuraya. Bangano ravo rakazivikanwa naSauro.
24
Vaigaririra pamisuo mikuru siku nesikati kuti vamuuraye.
25
Asi vadzidzi vake vakamutora nousiku vakamudzikisa ari mutswanda napamusoro porusvingo.
26
Paakasvika kuJerusaremu akaedza kubatana navadzidzi asi vose vaimutya nokuti havana kutenda kuti akanga ava mudzidzi.
27
Asi Bhanabhasi akamutora akaenda naye kuvapositori akavatsanangurira kuti akaona sei panzira, Tenzi akataura naye uye kuti akaparidza muDhamasikusi nechivindi chakadii muzita raJesu.
28
Akagara navo akasununguka muJerusaremu
29
achiparidza akashinga muzita raTenzi. Akataura achipikisana nevechiGiriki asi ivo vaitotsvaka zvokumuuraya.
30
Vehama pavakazviziva vakadzika naye kuSezaria vakamuendesa kuTaso.
31
Nezvo sangano rakava norunyararo muJudhea yose nomuGarirea nomuSamaria. Sangano rakasimbiswa richibatsirwa naMweya Mutsvene, rikakura richigara mukutya Tenzi.
32
Zvino Pita zvaaifamba — famba mukati mavo vose akaendawo kuvatsvene vaigara kuRidha.
33
Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo.
34
Pita akati kwaari, “Eniasi Jesu Kristu ari kukurapa, simuka upete bonde rako.” Akabva asimuka pakarepo.
35
Vagari vose vomuRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna Tenzi.
36
KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi.
37
Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro.
38
Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.”
39
Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo.
40
Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara.
41
Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu.
42
Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi.
43
Akagara kwamazuva mazhinji naSimoni musuki wamaTehwe.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28