bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 10
Acts 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
1
KuSezaria kwaiva nomumwe murume ainzi Koneriasi mutungamiriri wezana ramasoja wechikwata chainzi chikwata chamaTariyana,
2
munhu aitya Mwari pamwechete nemhuri yake yose aiva noruoko rwokupa kwazvo kuvanhu uye aigara achinamata kuna Mwari.
3
Paawa yechitatu yamasikati akanyatsoona muchiratidzo mutumwa waMwari achipinda maaiva achiti, “Koneriasi.”
4
Akamutarisisa achitya akati, “Chiiko nhai Tenzi?” Mutumwa ndokuti, “Minamato yako nezvipo zvako kuvanhu zvakwira kudenga sechinhu chinoyeukwa pamberi paMwari.
5
Zvino chitumira vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita.
6
Agere pamba paSimoni wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.”
7
Mutumwa uya akataura kwaari paakaenda, akadaidza varanda vake vaviri nomusoja aida zvokunamata pakati pavanhu vaimushandira.
8
Akati avarondedzera zvose akavatuma kuJopa.
9
Ramangwana acho pavakanga vari parwendo rwavo vava kusvika pedyo neguta, Pita akakwira pamusoro pemba kundonamata masikati makuru. Akanzwa nzara akada zvokudya.
10
Asi pavakanga vachiri kugadzira zvokudya, akava mumweya.
11
Akaona denga richizaruka chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru richiburutswa pasi richiita serakabatwa namakona aro mana.
12
Mariri makanga mune mhuka dzakasiyana — siyana nezvipuka zvinoita zvokuzvova napasi neshiri dzedenga.
13
Kwakauya izwi kwaari richiti, “Pita simuka uuraye udye.”
14
Asi Pita akati, “Kwete Tenzi nokuti handisati ndambodya zvinhu zvose zvose kana zvakan'ora.”
15
Izwi rakauyazve kechipiri kwaari richiti, “Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.”
16
Izvi zvakaitika katatu chinhu chacho chikabva chatorwa pakarepo chikaendeswa kudenga.
17
Pita paakanga achiri kukangaidzwa mumwoyo kuti chiratidzo chaakanga aona chinorevei, havo varume vaya vakatumwa naKoneriasi vakanga vatomira pasuo guru nokuti vakanga vabvunza nezvemba yaSimoni.
18
Vakadaidzira kuti vabvunze kuti Simoni anonzi Pita ari kugarapo here.
19
Pita paakanga achifungisisa nezvechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Chinzwa varume vatatu vari kukutsvaka.
20
Simuka udzike uende navo pasina zvokukahadzika nokuti ndini ndavatuma.”
21
Pita akadzikawo kwaiva navarume vaya akati, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingei?”
22
Ivo vakati, “Koneriasi, mutariri wezana ramasoja munhu ari pachokwadi, munhu anotya Mwari uye anorumbidzwa norudzi rwose rwechiJudha akatungamirirwa nomutumwa anoera kuzokudaidzai kuti muuye kumba kwake kuti anzwe zvamungataure.”
23
Ipapo akavapa pokurara. Ramangwana acho, akamuka akaenda navo. Vamwe vehama vokuJopa vakaendawo naye.
24
Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo.
25
Pita paakapinda, Koneriasi akamuchingura akagwadama patsoka dzake akamupfugamira.
26
Pita akamusimudza achiti, “Simukai ini ndiri munhuwo?”
27
Paaitaura naye akapinda akawana vanhu vazhinji vakaungana
28
akati kwavari, “Imi munozviziva pachenyu kuti zvinorambidzwa nomutemo zvakadii kuti muJudha afambidzane kana kushanyira ani zvake worumwe rudzi asi Mwari wandiratidza kuti handifaniri kuti ani zvake haakodzeri kana kuti akan'ora.
29
Saizvozvo pakauya vanhu kuzondikoka, ndakauya pasina zvokuramba. Nezvo ndinokubvunzai kuti mandidaidzirei.”
30
Koneriasi akati, “Mazuva mana apfuura panguva yakaita saiyo ino ndakanga ndichinamata paawa yechitatu masikati mumba mangu. Ndiye onei munhu amira pamberi pangu akapfeka zvinhu zvichena!
31
Akati, ‘Koneriasi munamato wako wanzwika uye zvipo zvako kuvarombo zvakayeukwa pamberi paMwari.
32
Tumira nhume kuJopa ubvunze nezvaSimoni anonzi Pita agere paSimoni musuki wamatehwe ane imba iri munyasi megungwa.’
33
Saizvozvo ndakabva ndatumira nhume kwamuri pakarepo. Imiwo maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo tiri pano tose pamberi paMwari kuti tinzwe zvamaudzwa naMwari.”
34
Pita akatanga kutaura achiti, “Chokwadi ndiri kuona kuti Mwari haana rusaruro.
35
Asi mumarudzi ose, ani naani anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirika kwaari.
36
Imi munoziva izwi raakatuma kuIsiraeri raiparidza Shoko Rakanaka rorugare zvichiitwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wavose.
37
Ndiroro shoko rakaparidzwa muJudhea yose kubvira kuGarirea mushure meruombeko rwaiparidzwa naJohani.
38
Mwari akazodza Jesu weNazareti naMweya Mutsvene uye akamupa simba. Munozivawo kuti akafamba achiita zvakanaka achiporesa vose vainge vari pasi pesimba raDhiyabhori nokuti Mwari aiva naye.
39
Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti.
40
Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza
41
kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi;
42
uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa.
43
Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.”
44
Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri.
45
Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi,
46
nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari.
47
Ipapo Pita akati, “Pana angarambidze here kuti vanhu ava vaombekwe nemvura vadai kugashira Mweya Mutsvene sokugamuchira kwatakamuita?”
48
Akabva ati ngavaombekwe muzita raJesu Kristu. Vakazomukumbira kuti ambogara navo kwamazuva akati kuti.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28