bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 8
Acts 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
1
Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria.
2
Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru.
3
Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri.
4
Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko.
5
Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia.
6
Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita,
7
nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa.
8
Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro.
9
Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano.
10
Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.”
11
Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu.
12
Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi.
13
Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza.
14
Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani.
15
Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene
16
nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu.
17
Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18
Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti,
19
“Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.”
20
Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari.
21
Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
22
Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe
23
nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.”
24
Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.”
25
Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria.
26
Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje.
27
Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata.
28
Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya.
29
Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.”
30
Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.”
31
Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye.
32
Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu.
33
Mukuninipiswa ikoku haana kuitirwa zvaaikodzera Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
34
Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?”
35
Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu.
36
Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?”
37
Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.”
38
Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka.
39
Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru.
40
Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28