bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 7
Acts 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?”
2
Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari,
3
‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’
4
Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino.
5
Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana,
6
Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana.
7
Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’
8
Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.
9
“Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye.
10
Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose.
11
Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya.
12
Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga.
13
Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao.
14
Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu.
15
Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa.
16
Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.
17
“Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji
18
kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi.
19
Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe.
20
Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake.
21
Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake.
22
Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito.
23
“Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri.
24
Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti.
25
Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa.
26
Ramangwana racho akasvika pane vamwe vairwa. Akada kuvayananisa achiti varume muri hama nehama munoda kukuvadziranei?
27
Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu?
28
Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro?’
29
Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri.
30
“Kwakati kwapera makore makumi mana mutumwa akazviratidza kwaari murenje pedyo negomo reSinai murimi romoto mugwenzi.
31
Mosesi paakazviona akashamiswa nezvaakaona. Paakaswedera pedyo kuti anyatsoona, izwi raTenzi rakanzwika richiti,
32
‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho.’ Mosesi akadedera akatya kutarisa.
33
Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera.
34
Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’
35
Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi.
36
Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana.
37
Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita.
38
Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’
39
“Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti
40
vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari.
41
Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo.
42
Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi: “ ‘Makambopira kwandiri here mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro kwamakore makumi mana amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri?
43
Handiti makatakura tendhe raMoreki nenyenyedzi yamwari Refani, zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate? Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’
44
“Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona.
45
Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi
46
akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara.
47
Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.
48
Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti,
49
“ ‘Denga chigaro changu choumambo, nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu. Imba yorudzii yaungandivakire; ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndeipi nzvimbo yandingazororere?
50
Harusi ruoko rwangu here rwakaita zvose izvi?
51
Imi vanhu vomusoro wakaoma, vanhu vomwoyo isinei naMwari, venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari, vanhu vokurwisana naMweya. Zvaiita madzibaba enyu ndizvowo zvamunongoita.’
52
“Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda.
53
Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.”
54
Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino.
55
Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari
56
akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.”
57
Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote,
58
ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro.
59
Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.”
60
Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28