bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 14
Acts 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda.
2
Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama.
3
Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo.
4
Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori.
5
Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe,
6
vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza.
7
Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka.
8
KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba.
9
Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe
10
akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba.
11
Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.”
12
Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi.
13
Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu.
14
Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti,
15
“Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo.
16
Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo.
17
Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.”
18
Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari.
19
Asi kwakava navaJudha vakabva kuAndiyoku nokuIkoniumu vakafurira vanhu vakataka Pauro namabwe vakamuzvuvira kunze kweguta vachifunga kuti afa.
20
Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
21
Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku
22
vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda.
23
Pavakavasarudzira vakuru vakuru musangano rimwe nerimwe vachinamata nokutsanya, vakavakumikidza kuna Tenzi wavakanga vakatenda maari.
24
Vakazopfuura nokuPisidhia vakasvika kuPamufuria.
25
Vakati vaparidza shoko muPeriga vakazodzika kuAtaria.
26
Kubva ipapo vakaenda nechikepe kuAndiyoku kuya kwavakaturirwa kunyasha dzaMwari zvichiitira basa irori ravakanga vachangopedza kuita.
27
Pavakasvika vakaunganidza sangano vakataura zvose zvakaitwa naMwari achivashandisa uye kuti Mwari akanga azarura sei musuo wechitendero kune vechirudzi.
28
Vakagara ikoko navadzidzi kwenguva ndefu.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28